Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook
Svetuka kuchirochemo

Ruremekedzo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKuremekedza)

Shoko rokuti ruremekedzo (honor, respect, esteem) rinoreva kubata mumwe munhu nenzira yekumukudza, kumuitira zvinoita kuti ave anoyemurwa nevamwe aine chiremera pamberi pevamwe.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Josiah Tongogara akapiwa ruremekedzo rwegamba rehondo yerusununguko.
  • Mutemo wechishanu pamitemo gumi yaMwari unoti remekedza baba naAmai vako kuti mazuva ako awande munyika yamuri kupiwa naJehovah Mwari.
  • Chikodze (respect shown)
  • Matyira (Reverence. Reverence for elders). Mukuwasha asina matyira haatunhi: a son-in-law who has no reverence does not act respect fully.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Baila vanoti mulemu (an hounored, dignified, respected person) vachireva vanoremekedzwa.
  • Baila vanoti ku lemeka (to respect, to honour, to esteem) vachireva kuremekedza. Baila vanoti chakulemeka (respectly) vachireva neruremekedzo.
  • Lenje vanoti kulema (1. Be heavy, be a burden, press upon, be difficult; 2. feel heavy, be tired (exhausted, worn out)) kureva neruremekedzo.
  • Lenje vanoti kulema (Be weighty, influential, of high rank, honourable). Mamwe mazwi: lemeshya (pay honour to, treat civilly, respect, be polite).