Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook
Svetuka kuchirochemo

Munhukadzi

Kubva Wikipedia
Munhukadzi

Munhukadzi kana mukadzi zvinoreva munhu akasikwa zvokukwanisa kutakura mwana mukati make - nokumwe kutaura anonzi muzvare. Shoko rokuti mukadzi rinonyanya kushandiswa pamuzvare akura, kana ari mudiki anonzi musikana.

  • Mbaza (Woman of strong and forceful character). Apa kureva mukadzi ane chisimba kana ganyavhu pakutaura kana kuita kwake. Mbaza yegadzi: amazon.
  • Handakamwe (Woman who has given birth once) apa kureva munhukadzi akazvara kamwe.

Kuzvara nokuyaruka

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nhengo dzesikarudzi dzemukadzi ndeidzo dzinoshandiswa pakuzvarwa kwemwana. Kunoitawo dzimwe nhengo dzechikadzi dzinoshandiswa pakurera mwana uye kuti dzive dzinoyevedza kumurume.

Mumarudzi akasiyana vakadzi vane mabasa akasiyana zvishoma, asi mutsika zhinji vakadzi ndivo vanotarisirwa kuita mabasa ekubika; kuchenesa mumba nokutarira vana vadiki, nokushongedza mhuri.

  • Ndechemba vakadzi kuva nedinha panhova. It is in,the family that women have a depression in the fontanelle.
  • Kunzi mukadzi ari apa kunatsa munyu. In order to be called a proper house wife, she must know how to season her relish.
  • Mukadzi akanaka ari womumwe. A woman is attractive when she is somebody else's (wife).
  • Mukadzi isango rehuni rinotsvakwa naani naani. A woman is like a forest in which anybody can find wood.
  • Munhukadzi ishavhi anoteverwa neshiri. A woman is like figs followed by birds.
  • Mukadzi isango rehuni rinotsvakwa naani naani.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]