Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vane Vana Vakaremara Vanoti Kodzero Dzavo Dziri Kutyorwa muNyika


Vamwe vabereki vane vana vakaremara pamwe nevanorwira kodzero dzevakaremara munyika vari kuchema-chema kuti kodzero dzevana ava, kunyanya dzekuwana dzidzo, hutano, pekugara pakanaka pamwe nechikafu dzichiri kuramba dzichityorwa izvo zviri kuita kuti vakure vachitambura.

Kushaikwa kwezvikoro zvinokwanisa kupindwa nemawheel chair, mabook ebrail anoshandiswa nevasingaone uye varairidzi vanogoma kutaura nemaoko kana kuti sign language.

Vanotungamirira sangano reDisability Amalgamated Trust (DACT),VaHenry Chivhanga vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro.

"Vana vakaremara havasi kuwana kodzero dzavo muzvikoro, muzvipatara sezvo kusina zvikwanisiro zvavanoda nekudaro vazhinji vanosiya chikoto vamwe vachishaiwa kurapwa , " VaChivhanga vaudza studio 7.

Vati matambudziko ose aya ari kuwanikwawo kuzvipatara kusina zvikwanisiro. Mumwe mubereki ane vana vaviri vakaremara Amai Gladys Maringire vemumusha weRunyararo West muMasvingo vanoti vari kunetsekana nekuti munguva yesarudzo vakangovimbiswa rubatsiro asi hapana chiri kubuda. Amai Maringire vati, “Takavimbiswa kuti matambudziko evana vedu achagadziriswa.” Asi vanoti, “Chabuda hapana vatakavhotera hatichavaoni vana vedu vakaremara vachiri kungo tambura."

Vanorwira kodzero dzevana vanorarama nehusope, Muzvare Agnes Gurune, avo vane husopewo pamwechete nemwana wavo, vanoti vana vane husope vari kusarururwa izvo zvinoita kuti vanetseke kuwana kodzero.

Mumiriri wevakaremara musangano reAfrican Union, VaNyasha Nhau, vanovawo mutori wenhau vanoti pane zvakawanda zvinoda kuitwa kuti vakaremara vawane kodzero dzavo kuti vave nehupenyu hwakanaka. Vati, "Hurumende inofanira kuwedzera zvikwanisiro nemari kune vakaremara vachipa bazi rinoona nezvekugarisana munyika kuti ribatsire vana vakaremara kuti vawane kodzero dzavo dzingave dzedzidzo, hutano kana chikafu, "

Mutungmiriri wesangano rinorwira kodzero dzevana, reSocial Economic Action and Transformation for Humanity, (SEARTH) Muzvare Tendai Mafuka, vanoti kushaikwa kwekodzero dzevana vakaremara kunofanira kupera munyika.

“Tinotenda nebasa riri kuitwa kuti vana vakaremara vawane zvikwanisiro muzvikoro nemuzvipatara asi tinokuridzira kuti vawedzera zvavari kuitiraa vana ava kuti varemekedzerwee kodzero dzavo," Muzvare Mafuka vakurudzira hurumende.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi munyika, VaTaungana Ndoro, vanoti, "Sehurumende tine zvirongwa zvakawanda zvekuti vana vakaremara vawane dzidzo yemhando yepamusoro soro zvichipuwa zvikwanisiro zvese sema brail nezvimwe,"

Hurumende ine mutemo weNational Disability Policy uyo unokoshesa kuchengetedzwa kwekodzero dzevakaremara uye iri kuvanduzawo mutemo wePersons With Disabilities kuti kodzero dzevakaremara munyika dziremekedzwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG