Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Bhanga Guru reRBZ Rozvirova Dundundu neKudzikama kweInflation muMwedzi waChikumi Richiti Mabasa eZiG


Mari itsva yave kushandiswa munyika, yeZiG.
Mari itsva yave kushandiswa munyika, yeZiG.

Apo kukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation, kwepamwedzi mumwedzi uchangopera waChikumi kwakadzikama kusvika 0,0 percent, bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe riri kuzvirova dundundu richiti zvakonzerwa nematanho ariri kutora kubva zvaparurwa mari itsva yeZiG (ZwG) muna Kubvumbi.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano cheRBZ, VaPersistence Gwanyanya, vanoti mitengo yezvinhu haina kukwira muna Chikumi nekuda kwekuti mari itsva yeZiG yakauya nekudzikamisa mitengo.

VaGwanyanya vanoti chiri kunyanya kufadza ndechekuti kudzikama kwemitengo yezvinhu uku kwaitika panguva iyo nyika iri mumatambudziko enzara, zvichireva kuti zvichasiya mhuri dzakawanda dziine mari yekutenga zvimwe zvadzinoda.

"Hongu hatisati tasvika hedu asi zvingotiratidza kuti kumberi kwatiri kuenda uku kune chaedza," vanodaro VaGwanyanya.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvakakosha kujekesa kuti muna Chivabvu inflation yepamwedzi mumadhora emunyika yaitove mu minus zvichireva kuti mitengo yezvinhu yakatokwira muna Chikumi ari kutaurwa uyu.

Doctor Chitambara vanoti inflation yepamwedzi mumadhora ekuAmerica yakatoderera kusvika pa -2.4 percent muna Chikumi ichibva pa 0.1 percent payaive muna Chivabvu.

"Asi takatarisa on an annual basis inflation in USD yakakwira kusvika pa3.8 percent muna June ichibva pa3.5 percent muna May. Saka ichokwadi kuti hongu economy yedu yave highly dollarized, asi kana vachimezha inflation vari kutarisa zviri kuitika both in terms of USD, zviri kuitika ku ZiG and nekusanganisa ma USD neZiG kuti tiwane a blended inflation rate," vanotsanangura Doctor Chitambara.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanotiwo mitengo yezvinhu inogona kunge isina kukwira muna Chikumi kana zvichienzaniswa naChivabvu nenyaya yekuti vezvitoro vanogona kunge vakakanga vagara vakakwidza mitengo yavo zvakanyanya nechakare.

Saka tingati here ZiG yaunza kugadzikana munyaya dzemitengo yezvinhu kwagara kuchitsvagwa nenyika kwemakore akawanda adarika aya?

Muzvare Mutambasere vanopesana nemaonero aya vachiti, "Aiwa hazviite kuti titarise nguva dikidiki iyi nekuti ZiG yakauya tingati kupera kwaApril, ndopakatanga ku circulator mari ye ZiG. So, hatingashandise zvinhu zvitika panguva ye 2 months."

Zimbabwe National Statistics Agency (ZimStat) yakazivisa svondo rapera kuti inflation yepamwedziyakaderera kusvika pa 0. 0 percent ichibva pa 2.4 percent muna Chivabvu.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti zvinonetsa kuona kana mitengo yezvinhu iri kudzikama zvechokwadi mumari yemunyika nekuda kwekuti vanhu vanogona kunge vari kunyanya kushandiswa dhora rekuAmerica.

Vamwe ndivo vanoti izvi zvinogona kutambirika pachitariswa kuti mari yemunyika yeZiG yacho vamwe mumatunhu emunyika vanoti havasati vatomboibata kubva zvakayaparurwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG