Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Mashoko Anotaura Pamire America paNyaya Yehutongo Hwekerere muNyika Dziri kuMawirira kweAfrica 


Ambassador Richard M. Mills, Jr.
Ambassador Richard M. Mills, Jr.

Apo huwandu hwenyika dzekumawirira kweAfrica dzine hurumende dziri kupidigurwa nemauto huri kuuramba huchiwanda, mutevedzeri wemumiriri weAmerica kuUnited Nations Ambassador Richard Mills vanoti kukosha kwesangano reUnited Nations Office for West Africa and the Sahel kana kuti UNOWAS kunobva kwaonekwa. Sangano reUNOWAS rine muzinda muSenegal.

Sangano iri riri kubatsira hurumende dzakafanobata matomu mudunhu iri nechinangwa chekuda kudzosa hutongo hwejekerere.

Nyika dziri kubatsirwa nemazano parizvino dzinosanganisira, Guinea neBurkina Faso. VaMills vari kukurudzira hurumende yeMali kuti idzokere kuva hurumende inosarudzwa nevanhu kwete kutungamirwa nemauto. Hurumende iyi inoti yakazvipira kuti inge yodzokera kuhutongo hwejekerere muna Kurume 2024.

VaMills vanoti vanovimba kuti hurumende iyi ichatora nguva iyi kuzadzikisa zvose zvinodiwa kuti mauto asarambe ari panyanga. Vaenderera mberi vachitiwo vari kushushikana zvikuru nekupomerwa mhosva dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nemauto ari kutonga aya achishanda nechikwata chemauto chinotsigirwa nehurumende yeRussia chinozivikanwa nekuti Wargner Group.

Vati nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dziri kutaurwa idzi ndicho chimwe chikonzero chiri kunzi neAmerica nyika dzemuAfrica hadzifanire kushanda nechikwata cheWargner Group.

MuGuinea VaMills vati hurumende yakafanobata matomu inofanira kubvumidza vanhu kuungana nekuratidzira murunyararo.

Vati nguva yekudzokera kuhurongo hwejekerere yatodarika munyika iyi. Izvi vatiwo ndizvo zvimwe chete nemuBurkina Faso umo mauto akati akazvipira kudzokera kuhutongo hwejekerere kwapera makore maviri.

VaMills vati vari kushanda nenyika iyi vanofanira kutaurirana zvakanaka nedzihurumende idzi uye kubatsirawo vanhu nezvekudya. Vatiwo vari kunetsekana nehuwandu hwezvikwata zvinopfurikidza mwero zviri kuuraya vanhwi zvavo nemauto mudunhu iri.

VaMills vatiwo America iri kushanda nemamwe masangano kana kuti Global Coalition to Defeat ISIS.

Burkina Faso yakapinda mugungano iri muna 2021 uye Benin iri kutarisirwa kupindawo mukupera kwegore rino. Sangano iri rakaumbawo chimwe chikwata chinonzi Africa Focus Group muna Zvita 2021 icho chakanangana nekupa vanhuwo zvavo ruzivo rwekuzvidzivirira kubva kune vanopfurikidza mwero.

VaMills vanoti panguva ino zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumawirira kweAfrica asi vakati uyu mukana zvekare wekurwisa vanopfurikidza mwero, kukurudzira hutongo hwejekerere uye kuisa zvido zvevanhu pamberi.

Vatiwo UNOWAS inofanira kushandwa nayo kuti izadzikise zvinangwa zvayo zvekuunza hutongi hwejekerere mudunhu iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG