Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

America Yokoka VaShava Kumusangano Ichisiya VaMnangagwa naVaChiwenga Vari Pazvirango


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Hurumende yeAmerica inonzi yakoka gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kumusangano weUS-Africa Leaders’ Summit uri kuitwa kubva musi wa13 kusvika 15 Zvita muWashington DC.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri vavo VaConstantino Chiwenga vakatemerwa zvirango vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu Havana kukokwa. VaMnangagwa naVaChiwenga vanongotenderwa kuenda kumuzinda weUnited Nations muNew York chete

Asi hurumende inoti yakatemerwa zvirango nenyaya yekutora ivhu kuvachena ichipa vatema. Dzimwe nyika dzine vatungamiri vasiri kutarisirwa kukokwa ndedziya dziri kutungamirwa nemauto akabvuta masimba dzinosanganisira Guinea, Burkina Faso, Mali, Sudan nedzimwe.

Mumashoko kuvatori venhau, muutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakati musangano uyu uchazeya nyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi, hutongo hwejekerere, kurwisa denda reCovid-19, nyaya dzechikafu, kudzivirirwa kwenyika, kushanduka kwemamiriro ekunze nezvimwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG