Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Chirwere Chegwirikwiti Chiri Kupararira Zvakanyanya Munyika


Vabereki vanokurudzirwa kubayisa vana vavo mhomba
Vabereki vanokurudzirwa kubayisa vana vavo mhomba

Hurumende inoti chirwere chegwirikwiti chiri kupararira zvikuru munyika, ichiti kusvika parizvino vanhu makumi masere vafa nechirwere ichi.

Munyori mubazi rezvehutano, reHealth and Child Welfare, VaJasper Chimedza, vanoti chirwere ichi chakatanga kuwonekwa musi wa 10 Kubvumbi kwaMutasa, mudunhu re Manicaland, vachiti ikozvino chapararira munyika. VaChimedza vanoti zvinoita sekuti kuungana kwevamwe vatendi vemakereke asingabvumidzi kuti vana vavo vabaiwe nhomba ndiko kuri kukonzera kuparararira zvakanyanya kwe chirwere ichi.

VaChimedza vanoti kusvika musi weChina chapfuura, vanhu chiuru nemakumi matatu nevatanhatu (1,036) vaifungidzirwa kuti vane chirwere ichi uye zana rine makumi maviri nevashanu evanhu ava vakaonekwa kuti vakanga vatobatwa nechirwere ichi.

VaChimedza vakaudza vatori venhau kuti vazhinji vakabatwa nechirwere ichi vana vari pakati pemwedzi mitanhatu nemakore gumi nemashanu.

Manicaland ndiyo ine vanhu vazhinji vakabatwa nechirwere ichi, vanoita mazana matatu nemakumi mashanu nevatanhatu uye ine vanhu makumi mana nevashanu vakafa nechirwere ichi.

Nyanzvi mune zvehutano uye vari chiremba, Dr Simbiso Ranga, vanoti chirwere ichi chinobata vana zvakanyanya, naizvozvo vabereki vanokurudzirwa kuti vaone kuti vana vavo vabaiwa nhomba yekuvadzivirira kubva ku chirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG