Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 15, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaSiphosami Malinga vopomera vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF uye vaimbova gurukota VaObert Mpofu mhosva yekushandisa chisimba kutora purazi ravo nevamwe reEsidakeni vachizvidza mitongo yematare.

Mutungamiri werimwe sangano revakoti reZimbabwe Professional Nurses Union kana kuti ZPNU VaRobert Chiduku vadzingwa basa pachipatara cheGweru Provincial Hospital vachipomerwa mhosva yekurwira kodzero dzevashandi panguva yebasa.

Vanhu vakawanda muKenya nedzimwe nyika vomirira kunzwa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika iyi.

VeOperaion Dudula votyisidzira votangazve kutyisidzira zvimwe zvizvarwa zveZimbawe kuSouth Africa.

Vana vakawanda vofa nechirwere chegwirikwiti icho chopararira zvakanyanya munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kuzenyaya nezvabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika yeKenya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7 pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG