Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

KuMamwe Machechi eChipositori Kuri Kuendwa naVaMnangagwa Kakawanda Kwofa Vana neGwirikwiti


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende inofanira kutaura nevedzisvondo dzechipositori dzinonzi ndidzo dziri kunyanyokonzera kuparira kwechirwere chegwirikwiti icho chauraya vana makumi masere kubva muna Kubvumbi.

Mutungamkiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemakurukota avo vari kupota vachienda kumakereke aya kunotsvaga rutsigiro. Makereke echipositori aendwa naVaMnangagwa anosanganisira African Apostolic Church inotungamirwa naMutumwa Paul Mwazha kuChirumanzu. Mutungamiri wenyika akaendawo kwaJohanne Marange Apostolic Church kuManicaland.

Vaimbove gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera vanoti vanobvumirana nebazi rezvehutano kuti vedzisvondi idzi ndivo vari kukunzorera kupararira kwakanyaya kwegwirikwiti nekuti pamisangano yavo panenge paine vana vakawanda vasina kubaiwa nhomba yekudzivirira denda. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemakurukota avo vanomboendawo kumachechi aya vachienda kunotsvaga rutsigiro.

Vanotiwo kunze kwekubaya vana ava nhomba, hurumende inofanira kugadzira mutemo unomanikidza kuti mubereki wese abaise mwana kudzvirira zvirwere zvakaita segwirikwita.

Izvi zvatsigirwa nemutungamiriri wesangano rinomiriri machiremba anoshanda akazvimirira, Dr Johannes Marisa, avo vati hurumende inofanira kugara pasi nevedzisvondo dzisingade kuti vana vabaiwe nhomba yekudzvirira zvirwere zvakaita segwirikwiti.

Dr Marisa vatiwo kusabaya vana nhomba kuno pinzawo munjodzi vaye vanenge vakabaiwa.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kukomiti yeparamende inoona nehutano kuti tinzwe divi rayo panyaya iyi sezvo sachigarao wekomiti iyi, Dr Ruth Labode, vati vange vari mumusangano.

Asi munyori mukuru mune rimwe sangano rinomirira mamwe machechi echipositori nemamwe emuno pasi peFederation for Indigenous Churches in Zimbabwe zvakare vari nhengo yeRapture Ministries, Reverend Mathias Tsine vaudza Studio 7 vanotungamirirwa nehurumende panyaya dzehutano vakamirira kuudzwa nehurumende kuti vafambisa sei nyaya yekudzivirira kupararira kwegwirikwiti pamagungano avo.

Munyori mubazi rezvehutano, Dr Jasper Chimedza vakazivisa nezuro kuti kubvira pakatanga kupararira chirwere ichi muna Kubvumbi kwaMutasa kuManicaland pafa vana makumi masere munyika uye vazhinji vacho kubva kudunhu reManicaland uko kwakafa vana makumi mana nevashanu.

Kune vanhu mazana matatu nemakumi mashanu nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti vanhu vakabatwa nechirwere ichi vakamira sei mune mamwe matanhu sesvo mutauriri mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vange vasina kupindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Kusvika musi wa11 mwedzi uno paifungidzirwa kuti paive nevanhu churu nemakumi matatu nevatanhatu vainge vabatwa nechirwere ichi asi zana nemakumi makumi maviri nevashanu ndivo vainge vaongororwa kuti vaive nechirwere ichi.

Nekuda kwaizvozvo Dr Chimedza vanoti hurumende yakaparura chirongwa chikubaya nhomba vana nese vane mwedzi mitanhatu kusvika pamwedzi gumi nemishanu.

Vanoti chinangawa chavo kuona kuti zvikamu makumi mapfumbabwe nezvishanu kubva muzana zvevana vese ava zvadzivirirwa kubva kugwirikwiti.

Chirwere ichi chinobata kana kuuraya vana vasina kubayiwa nhomba vari pasi pemakore gumi nemashanu.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuchikamu cheUnited Nations chinoona nezvevana cheUNICEF sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG