Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

VaKaremara Votya Kurwiswa neveOperation Dudula kuSouth Africa


Nhlanhla Lux anotunganira Operation Dudula
Nhlanhla Lux anotunganira Operation Dudula

Mutauriri we sangano reZImbabweans with Disabilities Association in South Africa VaLazarus Chinhara avo vasingaoni, vanoti vakaremara muSouth Africa vachibva kune dzimwe nyika vave kutyira hupenyu hwavo sezvo vari kutumirwa tsamba dzekushungurudzwa kuti vabve pavanogara nesangano reOperation Dudula.

VeOperation Dudula zvizvarwa zveSouth Africa zvinopomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe nezvedzimwe nyika zviri munyika. Vanorarama nehurema ava vanogara pamusha weJeppe muPretoria.

Kunyangwe hazvo gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava vakaudza hurumende yesouth africa svondo rapera kuti zimbabwe yakagadzirira kutambira zvizvarwa zvayo zvinoda kudzoka kumusha kubva kuSouth Africa VaChinhara vaudza Studio 7 kuti muzinda we Zimbabwe muSouth Africa wakambenge wati uchavabatsira asi kusvika pari zvino havasati vawana rubatsiro.

Hatina kukwanisa kubata mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa VaDavid Hamadziripi kanawo mutungamiri wechikwata cheOperation Dudula VaNhlanhla Lux.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG