Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Maonero eAmerica Kodzero dzeZvitendero Pasi Rose


 Secretary of State Mike Pompeo speaks during a news conference at the State Department in Washington, Wednesday, Aug. 5, 2020. (AP Photo/Pablo Martinez Monsivais, Pool)
Secretary of State Mike Pompeo speaks during a news conference at the State Department in Washington, Wednesday, Aug. 5, 2020. (AP Photo/Pablo Martinez Monsivais, Pool)

Mumashoko akataurwa mudunhu reOhio pamusoro pekusununguka kwezvitendero nguva pfupi yapfuura, gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vakatsanangudza zvitendero “serusununguko rwekutanga pakatariswa zviri mubumbiro remitemo yenyika,” vakati “Kuremekedzwa kwepamusoro kwekodzero idzi dzisingatorerwe munhu, kunopa gwara rehurumende yedu.”

VaPompeo vakati rusununguko rwezvitendero rwuri kuiswa pnguva yakaoma pasi rose.

VaPompeo vakati vanhu vana pavanhu vashanu pasi rose, havasi kuwana rusununguko rwekufarira zvitendero zvavo.

VaPompeo vakati kuti magariro evanhu asimudzirwe kuitira kuti vanhu vave nekodzero dzekuita zvavanoda, America iri kushandisa zvose zvainokwanisa, kusanganisira kudoma nyika dzose dzinotyora kodzero dzakakosha idzi:

“Takataura pachena hondo iri kuitwa neChina mukurwisa zvitendero. Kuisa muhusungwa vanhu vari ku Uyghurs, kushora Mwari nekubvisa mashoko ari mugwaro re Ten Commandments, achitsiviwa nemashoko emunyori mukuru weChinese Communist Party, VaXi Jinping, uye hatina kuramba takanyarara pazvakaitwa,” vakadaro VaPompeo.

Mumakore maviri apfuura, bazi reAmerica rezvekudyidzana nedzimwe nyika, rakaita misangano miviri yemakurukota iine chinangwa chekusimudzira kusununguka kwezvitendero, vakuru vakuru vezvitendero munyika dzepasi rose, vakaungana vaine chinangwa chekudzivirira kodzero yezvitendero pasi rose.

America yakazvipira kuchengetedza zvitendero zvevanhu vepasi rose. Iyi inhaka inodadisa yakasiyiwa nevakatanga kuwanira nyika ino rusununguko, avo vakavaka America vaine donzvo rekuona kuti vanhu vemuAmerica vachengeterwa kodzero dzavo dzisina ani anodzibvisa, uye izvi zvikaiswa mugwaro rakashandiswa mukuzvipa kuzvitonga kweAmerica, re Declaration of Independence, pamwe nebumbiro remitemo yenyika, vakadaro VaPompeo

“Gwara redu rinobata nyika dzekunze, rine musimboti waro unobva mukunzwisisa kodzero dzose,’ vakadaro VaPompeo. “Kuzvipira kwakadai ndiko kuri kupa kuti tive jenaguru murusununguko pasi rose. . . .Imba yedu inobata zvekunze, yakavakwa panzvimbo yakasimba, pakatariswa zviga zvakashandiswa mukuumbwa kwenyika yedu.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG