Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Vakawanda Vomirira Zvakabuda Musarudzo dzemuKenya, Mazuva Mashanu Sarudzo Dzaitwa.

  • Jonga Kandemiiri

Sarudzo dzemuKenya dzakaitwa neChipiri.

Vanhu vemuKenya nepasi rose vachakamirira kunzwa zvakabuda musarudzo yekutsvaga mutungamiri mutsva wenyika iyi, apo kwasvika zuva rechishanu komisheni inoona nezvesarudzo muKenya yeIndependent Electoral and Boundaries Commission (IEBC) isati yazivisa kuti ndiayi akunda.

Makwikwi makuru ari pakati pevanga vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaWilliam Ruto naVaRaila Odinga, avo vave nemakore machikwikwidza kuita mutungamiri wenyika.

Komisheni ye IEBC iri kurambidza vatori venhau nemakambani avo kuti vadome ari kukunda musarudzo idzi.

Komisheni iyi ine mazuva manomwe ekuzivisa zvabuda musarudzo, ayo anokwana neMuvhuro unouya.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti ichokwadi kuti vanhu vakawanda vamira nezvidodoma vakamirira kunzwa zvakabuda musarudzo idzi, asi vanoti komisheni inotungamira sarudzo muKenya, ine mazuva manomwe ekuzivisa zvabuda musarudzo, zvichireva kuti ichine kusvika Muvhuro kuita izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu

.