Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Gadziriro muVarimi veFodya Yosimukira, Kunyange Vamwe Vachichemachema neKukwira kweMitengo yeZvikwanisiro


Murimi wefodya. Mwaka wefodya unonzi wakatotanga varimi vachiita gadziriro.
Murimi wefodya. Mwaka wefodya unonzi wakatotanga varimi vachiita gadziriro.

Gadziriro yemwaka mutsva wekurima, zvikuru yechirimwa chefodya, inonzi yafamba, vamwe varimi vane madiridziro vachinzi vanotarisirwa kukanda muvhu mbeu yefodya yavo mukupera kwemwedzi uno.

Vamwe vasina madiridziro ndivo vanonzi vari pakati pekukudza nhondo kumirira mvura yedenga painouya vozotimbikirawo muminda.

Chero hazvo gore rakapera sangano reTobacco Industry Marketing Board rakazivisa kuti fodya yakarimwa yaive yaderera kubva pamwaka wa 2020, varimi vakawanda vanoti vane chivimbo chekuti mwaka uno uchave uri nani zvichitevera kukwira kwemutengo wefodya pamusika wegore rino.

Fodya yanga ichitengwa nemadhora matatu ekuAmerica, kana kuti US$3.00, pakirogiramu, kubva pamadhora maviri nemasenzi makumi matanhatu aitengwa nawo kirogiramu yefodya gore rakapera.

Varimi vataura neStudio 7 vanoti vari kugadzirira kudyara mbesa dzekutanga mwedzi unouya, kunyange zvinhu zvakaoma munyika.

Nyanzvi mune zvekushandiswa kwevhu vachishanda nebazi rehurumende, VaNikros Kanjengo, vanoti fodya chirimwa chakakosha munyika chinoda kukurudzirwa.

VaKanjengo vanotiwo mitengo yemwaka wapera ichakurudzira varimi vakawanda kurima fodya mwaka uno.

Murimisi anoshanda nemasangano akazvimiria mumubatanidzwa wenyika dzekucamhembe kweAfrica, weSADC, VaAustin Majahanjani, vanoti gadziriro ndiwo mushonga wekurima fodya kanawo zvimwe zvirimwa zvose.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi reZimabwe Integrated Farmers Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti murimi wanhasi anongoda rutsigiro rwezvekushandisa nekuwaniswa ruzivo kuti goho rake rivandudzike.

Murimi wefodya weku Mt. Darwin ane mukurumbira, VaAndrew Katiza, vanoti vamirira mvura chete kuti vagure muforo.

Kunyange hazvo varimi vari kuti vagadzirira mwaka mutsva wekurima, mutengo wezvikwanisiro unonzi nevamwe ndiwo uchavadzorera kumashure. Fotereza yerudzi rwe AN inonzi yakawedzerwa mutengo nezvikamu makumi manomwe nechimwe kubva muzana kana 71percent mukupera kwaChikumi kuenda pamadhora ekuAmerica makumi mapfumbamwe nemana kana kuti USD94.00 zvichikwira.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima, Doctor Anxious Jongwe Masuka, kuti tinzwe divi rehurumende pagadziriro yemwaka mutsva wezvirimwa zvose, fodya nedzimwe mbesa.

Fodya yakatanga kurimwa muZimbabwe mugore ra 1889. South Africa neBritain ndidzo dzakave nyika dzaitenga fodya yeZimbabwe yakawanda asi iye zvino China ndiyo yave pamusoro zvichitevera kusafarira nyaya yekutorwa kweminda yevachena pasi pechirongwa chekudzosera ivhu kuvatema, cheLand Reform Program. Zvisinei, fodya ndiyo yepiri pazvinhu zvinounza mari yekunze yakawanda munyika ichitevera goridhe.

Vanorwira kodzero dzvevanhu vanoti varimi vefodya vanoshandisa vana vadiki vasati vabva zera muminda yefodya, ukuwo vanochengetedza masango vachiti varimi vefodya ndivo vapedza kutema miti, chero hazvo hurumende ichikurudzira varimi vefodya kuti vadyare miti yemipuranga yekushandisa pakuomesa fodya yavo, uye iine zvirongwa zvekudyarwa kwemiti mumapurazi nemumaruwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG