Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weVakoti Adzingwa Basa Anoti Ari Kushungurudzwa neKumirira Vashandi


Mutungamiri werimwe sangano revakoti reZimbabwe Professional Nurses Union kana kuti ZPNU VaRobert Chiduku vadzingwa basa pachipatara cheGweru Provincial Hospital.

VaChiduku mutsamba yanyorwa naVaS. Jailosi vekomiti inotonga nekuranga vashandi kana kuti “disciplinary committee” vanzi vabatwa nemhosva yekuita basa rekumirira vamwe vakoti vari pabasa.

Mutsamba iri mumaoko eStudio 7, VaJailosi vanoti VaChiduku vakatyora mutemo weLabour (National Employment Code of Conduct) Regulations usingatenderi kuita mabasa ekumirira vashandi panguva yebasa pasina mvumo kubva kumushandirwi.

VaChiduku vapihwa mazuva manomwe ekupikisa mutongo uyu kana vasina kugutsikana.

Vaudza Studio 7 kuti vachapikisa mutongo uyu vachiti vari kumbunyikidzwa sezvo vari kumiririra kodzero dzevashandi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG