Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Kurume 24, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Komisheni inorwisana nehuwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commssion, ZACC, inoti ichiri kutarisa vhidhiyo rehuwori huri kuitwa mukutengeswa kwegoridhe rakaburitswa nenhepfenyuro yeAl-Jazeera nezuro yozoti yotaura pamusoro panyaya iyi

Ukuwo, mutungamiri weCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti vhidhiyo yeAl-Jazeera iri kufumura huwori huri kuitika mukutengeswa kwegoridhe munyika mucherechedzo wekudzama kwekuora kwakaita hutungamiri kubva kumusoro, uye kuparadzwa kwaitwa nyika.

Hurumende nemapazi ayo vanoti vakazvipira kuchengetedza vatori venhau kuti vashande zvakasununguka apo nyika yogadzirira kuita sarudzo gore rino.

Nhasi pasi rose riri kucherechedza zuva rechirwere cherurindi, kana kuti Tuberculosis, re World TB Day, hurumende ichikurudzirwa kuisa mari yakawanda mukurwisana nedenda iri munyika.

Vamwe varimi vefodya munyika vanoti vari kudhurirwa zvakanyanya nekutakura fodya yavo kuenda nayo kumisika kunotengeserwa fodya.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tine hurukuro nemuimbi wemusambo weZim Dance Hall ari kuBindura, kuMashonaland Central, Liberty Kaboetsa.

Muchikamu chedu cheLiveTalk nhasi manheru na8:00pm, tiri kutaura pamusoro pevhidhiyo rakaburitswa nezuro neAl-Jazeera, riri kuburitsa pachena huwori huri kuitika mukuburitswa kwegoridhe munyika zviri kunze kwemutemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG