Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Dzimba, Mazambuko Zvoparadzwa neMafashamu eMvura


Nzvimbo dzakawanda munyika dzasangana nedambudziko remafashamu emvura ayo ave kuparadzawo zvivakwa zvakawanda kusanganisira mazambuko, dzimba nemigwagwa mumadhorobha nekumisha. Kunayisa kwemvura mwaka uno kunonzi kwakonzera rufu rwevanhu makumi mashanu nemumwe kusvika parizvino.

Mukuru weCivil Protection Unit kana kuti CPU iyo inobatsira vanenge vawirwa nejodzi VaNathan Nkomo vanoti matunhu ose enyika akatarisana nedambudziko remvura iri.

Zambuko reSesame rinobatanidza Nembudziya neGokwe South rakaparadzwa nemafashamu emvura nezuro. Sachigaro wekomiti yeCPU kuGokwe South District, Muzvare Netsai Mushauri vakaburitsawo mashoko kuvatori venhau vachiyambira veruzhinji kuti vangwarire kuyeredzwa nemvura. Munyori wesangano rePassengers Association of Zimbabwe VaPaul Makiwa vatsinhirawo mashoko aya.

KuGokwe kwakare vamwe vanhu vainge vari mumotokari yeHonda Fit vakayeredzwa nemvura vachiyedza kuyambuka zambuko reMutange.

KuManicaland, mumwe mugari wekuChimanimani VaPardon Maguta vanoti mimwe migwagwa haichafambike.

Mumadhorobha zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka kune vane dzimba dziri mumatoro kunyanya sematauriro emukuru werimwe sangano revagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba.

Asi meyaya weguta reHarare VaJacob Mafume vanoti vakagadzirira kubatsira vanhu vachishanda neCPU.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Service Department rinoti rinotarisira kuti mvura yakawanda ichanaya kusvika mangwana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG