Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri neMumwe (21) Vourayiwa neMafashamu eMvura kuKwazulu Natal


South Africa Floods
South Africa Floods

Mutauriri wemapurisa mudhorobha reLadysmith kuKwazulu Natal Colonel Robert Netshiunda vanoti vanhu makumi maviri nemumwe vafa nekuda kwemafashamu emvura asi vari kutarisira kuti huwandu uhu huchatowedzera.

Mvura iyi yakanaya nemusi weKisimusi ikaparadza dzimba chiuru chimwe chete nemazana mana kana kuti 1400. Vanobatsira vanenge vawirwa nenjodzi vari kutsvaga mitumbi yevanhu vakayeredzwa nemvura iyi.

Dunhu iri rave kugara richiita dambudziko remafashamu sezvo gore rapera muna Kubvumbi vanhu mazana mana nemakumi mana vakaurayiwao nemafashamu emvura.

Forum

XS
SM
MD
LG