Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Dunhu reHurungwe kuMashonaland West Roona Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 pamwe neCholera


Mashonaland West Covid-19 Update
Mashonaland West Covid-19 Update

Bazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West razivisa kuti vanhu vanomwe vawanikwa vaine cherwere che cholera, vatanhatu mudunhu reHurungwe nemumwechete mudunhu reMakonde.

Kusvika pari nhasi huwandu hwevanhu vabatwa necholera mudunhu iri hunonzi hwasvika kumazana matatu nemakumi matatu nevaviri (332) uye vanhu makumi maviri nemumwe (21) vafa nacho kusvika pari nhasi.

Dambudziko rechirwere che cholera rinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehutano riri kuwedzerwa nekunaya kwave kuita mvura yakawanda.

Bazi rezvehutano rakazivisawo neChishanu kuti vanhu gumi vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mudunhu reHurungwe chete.

Vanhu vatanhatu vanonzi vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 pachipatara cheKaroi District, kuchitiwo vamwe vana vachibatwa vaine chirwere ichi paNyama Clinic.

Asi zvinonzi hapana murwere ari muchipatara nekuda kwechirwere ichi uyewo hakuna munhu ati afa nacho.

Hatina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano kuti chirwere ichi chiri kuwanikwa mune mamwe matunhu api emunyika sezvo mutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri, vati vari pazororo.

Taedzawo kubata Dr. Aspect Maunganidze, vanove munyori mukuru mubazi rezvehutano, asi nharembozha yavo yanga isingaiti.

Asi nyanzvi mune zvehutano vari chiremba mudunhu re North Carolina muno muAmerica, Dr. Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachizvichengetedza kubva kuCovid-19 sezvo chirwere ichi changitawo sezvimwe zvirwere zvinotapuriranwa zvinoda kungodzivirirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG