Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyambirwa nezveMafashamu eMvura Kusvika Svondo Rinouya


Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMetereological Department raburitsa mashoko richiyambira vanhu vari kunzvimbo dzakaderera kunyanya kuti vangwarire mafashamu emvura, dutumupengo remhepo uye mheni kutanga nhasi kusvika nemusi weChitatu svondo rinouya.

KuChipinge, pane motokari mbiri dzawirwa nemuti wadonha nekuda kwemhepo. Hatina kunzwa kuti pane akuvara here.

Nhasi kwanayawo mvura yakawanda kunzvimbo dzakaita seBinga neMt Darwin.

Mumwe mukuru mubazi reMet Department VaJames Ngoma vaudza Studio 7 kuti mangwana mvura yakawanda iri kutarisirwa kunaya kunzvimbo dziri kuchamhebe kweMatabeleland North, Matabelaland South nemuguta reBulawayo.

Vanhu vari kuyambirwa kuti vasayedze kuyambuko nzizi dzakazara kana kuhwanda pasi pemuti sezvo vachigona kurohwa nheni.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG