Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

America Yopa Zimbabwe US$200 Million Yekudzivirira Kupararira kweHIV/AIDS neZvimwe Zvirwere


Amai Ellaine French
Amai Ellaine French

America inoti ichawedzera mari yezvehutano yainopa Zimbabwe gore rino pasi pehomwe yePresident’s Emergency Plan for Aids Relief kana kuti PEPFAR. Chirongwa chePEPFAR chakaparurwa muna 2003 nevaimbove mutungamiriri weAmerica VaGeorge W. Bush senzira yekubatsira kurwisa HIV/AIDS pasi rose.

Vachitaura muhurukuro neStudio 7 muHarare , vakamiririra America muZimbabwe Amai Elaine French vakati nekuda kwekuona kubatsira kwakaita homwe yePEPFAR munyika, hurumende yavo ichabatsira Zimbabwe nemari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemasere emadhora ekuAmerica kana kuti 208 million dollars gore rino ra2024.

Vakati rubatsiro urwu rwuri kupa kuti vri kurarama neHIV/AIDS vararame kwemamakore akawanda zvinongoita munhu wose.

Mumwe wevave nemakore makumi maviri nerimwe vachirarama nehutachiona Reverend Maxwell Kapachawo vaudza Studio 7 kuti kuwaniswa mishonga pachena kwabatsira zvikuru vakatiwo vanoshuvira kuti America irambe ichibatsira Zimbabwe.

Izvi zvakatsigirwawo naAmai Angeline Chiwetani vanoshanda neZimbabwe HIV/AIDS Union Community Trust.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende sezvo gurukota rezvehutano VaDouglas Mombeshora vati vange vari parwendo vakati titaure nemunyori mubazi ravo Dr Aspect Maungaqnidze.

Asi Doctor Maungainidze vange vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira pataenda pamhepo.

Zvirongwa zvePEPFAR munyika zvinosanganisira kubatsiridza kuti van vaongororwe ropa pachena, kuongororwa chirwere chegomarara remuromo wechibereko icho chinobata vanorarama nehutachiona kunyanya , kuongorora hutachiona hweHIV huri mumurwere kuti hune huturu hwakadii kana kuti viral load testing nezvimwewo.

Pasi pechirongwa chePEPFAR, kubva muna 2006 kusvika gore rapera, America inoti yabatsira Zimbabwe nemari yekuAmerica inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1.7 billion dollars kubatsira Zimbabwe kurwisa HIV AIDS

Vanhu vnodarika miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru vanorarama neHIV mu Zimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG