Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Cholera Yoramba ichikwira Hurumende Ichikurudzira Veruzhinji Kuti Vasaungana neKudya Chikafu muMagungano nemuDzindufu


dambudziko remvura yakachena nderimwe rinonzi rinowedzera cholera munyika.
dambudziko remvura yakachena nderimwe rinonzi rinowedzera cholera munyika.

Vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi maviri nevashanu vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere chemanyoka che cholera, vasere vakawanikwa vainacho, uye vana vachifungidzirwa kuti vakafa nacho mukati memaawa makumi maviri nemana munyika yose.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti chirwere ichi chiri kukwira nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kunaya kwemvura, zororo reKisimusi richangopera uye kuungana kwevanhu, zvikuru mudzindufu.

VaMujiri vanoti bazi ravo riri kukurudzira veruzhinji kuti vatore matanho anosanganisira kufashaidza mvura vasati vainwa, kugeza maoko nemichero, kusarasa marara pese pese.

“Pari zvino tichiri kuona kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa ne cholera uye ndinofunga kuti zviri kubva muzororo reKisimusi ratichangobuda iri, nevanhu vakafambafamba zvakanyanya.

"Magungano akawanda. Nemvura iri kunaya yasimudza mvura yepasi mumatsime zvichiita kuti nzvimbo dzisina hutsanana hwakanaka dzikanganisike. Zvinoreva kuti zvose mvura netsvina yemuzvimbuzi zvinotanga kusangana. Saka izvi zvinokonzera dambudziko guru, kusangana kwetsvina yevanhu nemvura yekunwa."

Vanoti ndufu dzose dzinofanirwa kuziviswa kubazi rezvehutano, kuradzikwa kwevanhu kuchitungamirwa nevashandi vebazi ravo, zvikuru kana munhu afa nechirwere chemanyoka zvisineyi kuti zvazivikanwa here kuti afa ne cholera here kana kuti kwete.

"Vanhu havafanirwi kuungana kwenguva yakareba parufu. Kudya parufu kunofanirwa kuderedzwa. Ndinofunga kuti izvi zvakakosha zvikuru, uye vashandi vebazi redu vagara zvavo vachifambisa shoko iri,” vanodaro VaMujiri.

Kusvika kupera kwemusi wa18 Ndira 2024, Zimbabwe yakanga yave ne vanhu 19 090 vanofungidzirwa kuti vangadai vaine cholera, 2 231 vanozivikanwa kuti vane chirwere ichi, 18 340 vapona, makumi manomwe nemumwe, kana kuti 71 vanozivikanwa kuti vakafa nacho, ne 340 vanofungidzirwa kuti vakafa nacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG