Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yogadzirira Kutanga Kupa Nhomba yeCholera


Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano iri kukurudzira vanhu kuti vadonhedzerwe nhomba yeCholera muchirongwa chiri kunzi nehurumende ichaparura musi wa29 Kukadzi.

Izvi zvichaitwa kunzvimbo dziri kupararira chirwere ichi zvakanyanya dzakaita seHarare, Manicaland, Masvingo, Mashonaland East, Mashonaland West neMashonaland Central.

Hurumende inoti yakapihwa nhoma mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri neWorld Health Organization.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Doctor Simbiso Ranga vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vapihwe nhomba yecholera asi akati kupedza chirwere ichi zvachose zvakakosha kuti vanhu vawaniswe mvura makachena.

Forum

XS
SM
MD
LG