Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vobatsirikana neChirongwa Chekuziviswa Kwekutenga Mushonga paWhatsApp


Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaparura chirongwa chekuti veruzhinji vakwanise kutsvaga mishonga nezvimwe zvekushandisa munezvehutano pamwe nekunzwa mitengo yazvo vachishandisa nharembozha dzavo, kana kuti Mobile Application, inonzi Cloomi izvo vakawanda vati zvinovarerutsira pavanenge vasangana nedambudziko rezvehutano.

Vakaparura hurongwa uhu VaBlessing Museki vaudza Studio 7 kuti chinangwa chavo ndechekurerutsira varwere kana hama dzavo dzinenge dzichida kuvatengera mushonga

Vati vakavamba chirongwa cheCloomi mushure mekunge vaonawo zvichivanetsa kutsvakira vabereki vavo pamwechete nedzimwe hama dzavo mishonga. VaMuseki avo vari kushanda kuBritain parizvino vati vanhu vanokwanisa kutumira mibvunzo yezvavari kutsvaga panhamba dzinoti +263788257164 vobatsirwa

Vatsanangurawo kuti vanoshandisa Mobile Application iyi vanongoisa zita remushonga votsvagirwa kune mishonga yavari kuda pamwe nemutengo.

VaDavid Mukamba vane dura remushonga kana kuti rinonzi Harare Pharmacy vati chirongwa ichi chiri kurerutsira varwere zvakanyanya.

VaMukamba vatiwo kubva zvatanga kushanda Mobile Application iyi mavhiki maviri apfuura, huwandu hwevanobvunza mishonga kuchitoro chavo hwawanda. Izvi zvatsigirwawo naVaShepherd Marufu vane chitoro chemushonga chinonzi Long Range Pharmacy

Vachitaura neStudio 7, Muzvare Sarudzai Zhou vari kurapwa chirwere chegomarara vati mushonga wavanoshandisa hauwanikwi kuzvitoro zvakawanda zvemishonga asi kuburikidza ne Mobile Application iyi vave kuziva pekunanga.

VaMuseki vati kubva zvavakaparura chirongwa ichi vari kubatsira vanhu vanodarika chiuru chimwe chete pazuva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG