Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi muNyika Voparadzirwa Zvirimwa neMakonye eRudzi rweArmyworm


Makonye erudzi rwe armyworm ari kuradza zvirimwa nesora mune mamwe matunhu muZimbabwe.
Makonye erudzi rwe armyworm ari kuradza zvirimwa nesora mune mamwe matunhu muZimbabwe.

Vamwe varimi munyika vanoti vave kuparadzirwa zvirimwa zvavo zvakaita sechibage, mapfunde nezviyo nemakonye erudzi rwe African armyworm.

Bazi rinoona nezvekupararira kwezvipukanana zvinofamba zvichidya zvirimwa nezvimwe kana kuti Migratory Pests and Bio-Security control Department mubazi rezvekurima rinoti makonye erudzi rwe African Armyworms ne Fall Armyworms awonekwa mumatunhu makuru mana anoti Mashonaland Central, Mashonaland West, Mashonaland East neMidlands.

Mumwe murimi weku Trelawney kwaZvimba mudunhu reMashonaland West, VaGarikayi Sakala, avo vakaparadzirwa munda wavo unosvika mahekiteya mashanu, vanoti vakatozopihwa mushonga wekurwisana nemakonye aya nehurumende izvo zvakamisa kuparadzirwa munda wavo.

“Chibage changu chingadai chakapera nemakonye ndakatozopihwa mushonga neveAgritex," VaSakala vanotsanangura.

Makonye erudzi rwe armyworm
Makonye erudzi rwe armyworm

Mumwe murimi anoti akasangana nedambudziko remakonye aya ndaVaGladmore Mukondiwa, wekuGlendale kuMashonaland Central. VaMukondiwa vanoti vakadyirwa mahekita matanhatu.

VaMukondiwa vanoti mushonga wehurumende wakanonoka kuuya zvekuti vafanotenga vega asi waidhura zvekusvika kumadhora ekuAmerica gumi nemaviri parita rimwe chete.

“Vana mudhumeni vakanonoka kuuya nemushonga vakazouya nemushonga ndatotenga waidhura apo ndainge ndisina mari yakawanda uye handaizvifungira kuti ndichatenga mushonga,” VaMukondiwa vanotsanangura.

Mukuru mubazi rezvekurima mudunhu reMashonaland West, Amai Evelyn Ndoro, vanobvuma kuti makonye atekeshera mudunhu ravo munzvimbo dzinoti Sanyati, Zvimba, Makonde neChegutu, uye vari kuramba vachitambira mashoko ekuvazivisa nezve dzimwe nzvimbo dziri kuwanikwa makonye aya.

“Makonye akatanga neSanyati zvikatevera Trelawney kwaZvimba iye zvino tanzwa kuLions Den kuMakonde tiri kutambira mashoko emakonye kunzvimbo dzakawanda mudunhu reMashonaland West,” Amai Ndoro vanotsanangura.

Amai Ndoro vanoti vanotarisira kuwanda kwemakonye sezvo mvura yambomira kunaya. Asi vanoti kana mvura ichinaya makonye aya anourayiwa nemvura, asi kana kwave nezuva mazai emakonye anokurumidza kuchochonya uye makonye anokura nekukurumidza.

Murimi wekuGokwe achitarisa kuparadzwa kwechibage chake ne armyworm.
Murimi wekuGokwe achitarisa kuparadzwa kwechibage chake ne armyworm.

“Nezuva raveko iri tinotarisira kuwanda kwemakonye nekuti mvura yaiwuraya makonye paanenge achiri madiki asi zuva rinoita kuti makonye akurumidze kuchochonya uye makonye anokura nekukurumidza muzuva,” Amai Ndoro vanoenderera mberi.

Vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvezvipukanana zvinodya zvirimwa kana kuti Acting Director for Migratory Pests Control, VaShingirayi Nyamutukwa, vanobvuma kuti vari kuziviswa nenzvimbo dzakawanda munyika dziri kuwanikwa makonye ari kudya chibage nezvimwe zvirimwa.

VaNyamutukwa vanoti kusvika pari zvino varimi vanosvika mazana maviri nemakumi matatu nevana, kana kuti 234, vadyirwa minda yavo nemakonye e African armyworms uye vari kupa varimi ava mishonga yekuuraya makonye pachena.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Farmers Union -VaPaul Zachariah vanokurudzira varimi kuti vatarise makonye zvakanaka muminda yavo munguva ino mvura yambomira kana kuti scouting.

“Tino kurudzira varimi kuti vaite yatinoti scouting kutarisa makonye nezvimwe zvipukanana zvinodya zvirimwa muminda panguva ino mvura yambomira”VaZachariah vanokurudzira.

gonye rerudzi rwe armyworm.
gonye rerudzi rwe armyworm.

Makonye erudzi rweAfrican armyworms anofamba akawanda, achidya mashizha echibage, zviyo, mhunga neuswa, uye ane ruvarwa rwutema pamusana sekutaura kwaVaNyamutukwa.

“Makonye eAfrican armyworms aneruvara rwutema uye anofamba akawanda achiparadza mashizha ezvirimwa nehuswa” VaNyamukuta vanotsanangura

VaNyamutukwa vanoti varimi vanofanirwa kutarisa makonye muminda mavo zuva rega rega uye kuti vazivise vanamudhumeni vari pedyo navo kana vaona makonye mumunda mavo.

Kusvika pari zvino makonye anonzi aparadza mahekita zana nemakumi matanhatu ne mana kana kuti 164 hactares dzechibage ne mahekita makumi mashanu nemasere kana kuti 58 hactares emapfunde pamwe nemahekita makumi matatu nemaviri kana kuti 32 hactares ehuswa.

Makonye aya anonzi anokwanisa kuurayiwa nyore nevarimi kana vakashandisa mushonga unonzi carbaryl. Asi mune dzimwe nyika, mushonga we carbaryl hauchabvumidzwa kushandisa uchinzi unokanganisa hutano hwevanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG