Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoparura Chirongwa Chekupa Vanhu Nhomba yeCholera


HEALTH-CHOLERA/MALAWI
HEALTH-CHOLERA/MALAWI

Apo chierwere chemanyoka cheCholera chave kuda kusvitsa gore munyika, hurumende yaparaura chirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira chierwere ichi pakanyanyotariswa nzvimbo dzinonzi ndidzo dzir panjodzi yakakura yekupararira kwechirwere ichi, asi vamwe vanoti hurumende haizi kutora matanho akasimba akafanira kuti chirwere ichi chisaveko zvachose munyika.

Vachitaura pakuparurwa kwenhomba yekudzivirira horwere chemanyoka cheCholera muHarare nhasi VaCharles Tawangwa gurukota redunhu reHarare, avo vange vakamirira gurukota rezvehutano Dr Douglas Mombeshora VaCharles Tawengwa avo vange vakamirira gurukota rezvehutano Dr Douglas Mombeshora vati zvakakosha kuti hurumende pamwe nemasangano akasiyana-siyana kusanganisira anoshanda akazvimirira, vabatane mukurwisa chiwere ichi.

VaTawengwa vati nhomba iri kushandiswa iyi yakamboshandiswa munguva yapfuura mukudzivirira chirwere ichi uye vanhu havafanirwe kutya kuitora.

VaTawengwa vati nyika inotarisirwa kuwana nhomba dzinopfuura mamiriyoni maviri nemazana matatu uye pari zvino nhomba dzinopfuura zviuru mazana masere nemakumi mapfumbamwe nembiri kana kuti 892 286 dzakatounzwa munyika vachiti dzimwe dzinotarisirwa kuve munyika pakutanga kwemwedzi unouya waKukadzi.

VaZivanai Muzorodzi ndivo mukuru weCommunity Tolerance Reconciliation and Development Trust rimwe remasangano anoshanda akazvimirira ega mudunhu reMasvingo. Vaudza Studio 7 kuti hurumende yaita basa rakanaka zvikuru kusvitwa nhomba yecholera iyi kunzvimbo dzakanyanya kubatwa nechirwere ichi seChiredzi nedzimwe asi vati hapana zviri kuitwa zvakanyanya pakushambadza nezvenhomba iyi uye kudzivirira chirwere ichi.

Mumwe mugari wemuBulawayo VaMarshall Muzamindo vatiwo hurumende haizi kupa mashoko akakwana pamusoro pechirwere ichi kusanganisira kukurudzira vanhu kuti vawane nhomba iyi uyewo kuti ndeapi mamwe matanho avangatora kudzivirira chirwere ichi, vakatiwo zvimwe zvirongwa zvehurumende zvakakita sekuisa zvibhorani mumaguta hazvibatsiri.

Dr Simbisio Ranga avo vanove chizvarwa cheZimbabwe chinogara muAmerica vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo nhomba yecholera ichibatsira pakurwisa chiwere ichi, zvakakosha kuti hurumende itore matanho ekuti veruzhinji vawane mvura yakachena.

Vakambove gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vatsinhirawo maonero aya vakati hurumende inofanirwa kuisa mari yakawanda munyaya dzekuwanisa vanhu mvura yakachena vachitiwo haifanirwe kupindira mumabasa emakanzuru munyika.

Nyika yakawaniswa nhomba yekudzivirira chirwere checholera kubva kuInternational Coordinating Group nerubatsiro rwemari yakabva kuGAVI Vaccine Alliance rinove sangano rinoshanda kukurudzira kuwanisa nyika dzepasi rose nhomba dzkurwisa zvirwere zvakasiyana-siyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG