Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vasikana Vasati Vabvazera Vakawanda Vobata Pamuviri, Vamwe Vachifa Vachisungunuka


Sangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA), rakabatana nemamwe masangano anoshanda akazvimirira, pamwe nehurumende, nhasi rabuditsa gwaro rinoratidza kuti vanasikana vakawanda vemuZimbabwe vari pasi pemakore guminemanomwe, vari kubata pamuviri , uye vamwe vavo vari kuzoshaya vachisungunuka, vamwewo vachiedza kubvisa pamuviri.

UNFPA nemamwe masangano aya, vakaita tsvakurudzo yekuona kupararia kwaita dambudziko revana vari kuita pamuviri vasati vabva zera pakati pegore ra2019 nera2022, mumatunhu matanhatu enyika.

Mukuru anoona nezvetsvakurudzo musangano rakatungamira tsvakurudzo iyi, reCentre for Sexual Health and HIV AIDS Research Zimbabwe, Muzvare Zivai Mupambireyi, vaudza Studio 7 zvimwe zviri kukonzera kuti vanasikana vabate pamuviri vachiri vadiki.

Vachitaurawo pamusangano mumwewo, mukuru weUNFPA muZimbabwe, Muzvare. Miranda Tabifor vati vanasikana vemuno vanoda kuchengetedzwa nemunhu wese zvake.

Tsvakurudzo iyi yabuditsa kuti pamakore matatu kubva muna 2019, madzimai nevasikana vakafa vachisungunuka vana vanodarika chiuru chimwe nechidimbu kana kuti 1 532, uye pavashakabvu ava, vanosvika mazana matatu ane makumi masere nevatatu (383) vainge vari pasi pemakore makumi maviri nemana ekuzvarwa.

Zvabudawo pachena kuti kune vana vari pasi pemakore gumi nemana (14) vaive vatotanga kuita zvepabonde, nevanhu vavanoziva, asi dzimwe nguva nevavasingazivi.

Mumwe wechidiki anoshanda nesangano revechidiki, reYoung People’s Network, Debrain Mugarapanyama, anoti vakomana nevarume vanoda kudzidziswawo pamusoro pekuchengetedza mwanasikana.

Vachitaura neStudio 7, mukuru wevakuru vanotungamira zvikamu zvemubazi rezvedzidzo yePrimary neSecondary, Muzvare Kwadzanai Nyanungo, vatiwo panoda kuitwa chirwirangwe, kuti dambudziko rakatarisana nevanasikana iri, ripere.

Mutungamiri wevana vadiki vemuZimbabwe, Neville Mavhu, anovawo mudzidzi wepachikoro cheGoromonzi High School, anoti vechidiki ngavatambire kure negambukambu revakuru, bonde.

Wongororo yakaitwa iyi yakabuditsawo kuti vechidiki vakawanda vari kuenda pabonde vasati vabva zera, vanoziva nzira dzekuvaka mhuri dzakafanana nemakondomu pamwechete nemapiritsi ekudzivirira pamuviri.

Asi kunyange vaine ruzivo urwu, varipo vane chitsama vanonzi vanotya kuenda kunobatsirwa kuzvipatara zvehurumende, sezvo dzimwe nguva vachizopedzisira vave kubvunzurudzwa naana mukoti vanoshanda munzvimbo idzi.

Mamwe masangano akashanda neUNFPA pawogororo iyi anosanganisira UK Aid, UNICEF, neEuropean Union. Mubatanidzwa wemasangano aya nehurumende unoti kubatirana pamwechete kurwisa dambudziko iri, ndiyo yega nzira ingaderedza, uye kupedza kuzvitakura kwevana kwadai kukwira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG