Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Hupfu Hwoshomeka Muzvitoro, Hurumende Ichiti Chibage Chiri kuGMB Ndeche Varombo


Vanogaya hupfu vari pasi pesangano reGrain Millers Association kana kuti GMAZ vanoti vatanga kutenga chimwe chibage kubva kuSouth Africa sezvo chiri mumatura eGMB chiri kunzi nehurumende ndechekubatsira vanotambura.

Kunyangwe veGMAZ vari kuti chibage chiripo ikozvino chinokwana, mutengo wehupfu hwakwira zvakanyanya vari kutengesa chibage vachiti chichashomeka sezvo mvura yakanonoka kuturuka.

Gurukota rezvemaindasitiri Amai Sithembiso Nyoni vanoti GMB ine chibage chinokwanira nyika, asi vemabhizimisi vane mvumo yekutenga chimwe kunze kwenyika.

Zimbabwe yaimboreva bemebera kuti ine chibage chakakwana kunyangwe masangano akaita seWFP ainge ayambira kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,7 million vakatarisana nenzara munyika nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.

Sachigaro weGMAZ VaTafadzwa Musarara vanoti kusvika parizvino vakwanisa kutenga mametric tonnes zviuru makumi maviri kubva kuSouth Africa.


VaMusarara avo vari kutenderera matunhu makuru ose vachiongorora mamiriro akaita nyaya dzehupfu, vanoti vari kugaya hupfu hwakawanda asi hausi kusvika kuvanhu nemitengo yakatarwa.

Mukuru wekambani inogaya hupfu yeNational Foods VaChipo Nheta vanoti vari kutengawo chibage mametric tonnes zviuru gumi pasvondo kubva kuSouth Africa.

Patabvunza kuti sei makambani ave kutenga chibage kuSouth Africa asi hurumende ichiti matura eGMB -akazara mutauriri weGMB VaNever Kanyemba vati titaure nemunyori mukuru mubazi rezvekurima Muzvinafundo Obert Jiri avo vati chibage chiri kuGMB ndeche vanhu vanotambura chete.

VaMusarara vanoti vari kutenderera matunhu ose mushure mekunge vanhju vagunun’una kuti zvitoro zvikuru zvakawanda hazvisi kutengesa hupfu asi hwakazana kuzvitoro zvidiki uko huri kutengeswa nemari yakawandisa pane inokurudzirwa.

Hupfu makirogiramu mashanu kana kuti 5kgs inofanira kutengeswa nemari nemadhora mashanu nemasendi makumi mashanu kana kuti US$5,50 iri kutengesa muzvitoro zvidiki nemashora masere kana kuti US$8

Amai Mavis Mupandawana ndemumwe ari kuchema chema nekushaikwa kwehupfu hune mutengo uri pasi.
Mumwe mukuru wekambani inotengesa zvekudya asina kuda kuzivikanwa nezita anoti havasi kupihwa hupfu nevanogaya kwemasvondo maviri apera.

VaMusarara vanoti chimwe chinopa kuti zvidai inyaya yekuti vanotengesa hupfu vanoda kubva vapihwa mari musi wavatengesa chibage zvoomera vamwe vezvitoro vanoda zvezvikwereti.

Amai Nyoni vanotiwo vakavimbiswa nevanogaya hupfu kuti hupfu hauzoshaikwi munyika uye vanokurudzira vanhu kuti vamhan’arire vezvitoro zviri kudhurisa hupfu kumapurisa sezvo iri mhosva.

Vamwe vezvitoro vanoti zvekuda kuvasunga hazvishande sezvo mitengo yezvinhu ichingokwira kana zvev kushaikwa.

Chibage chakaendeswa kumatura eGMB gore rakapera chishoma sezvo vamwe varimi vakamira kurima chibage vachiti hachibhadhare sekutaura kwemumwe murimi wekuMakonde mudunhu reMashonaland West VaRemigio Zhakata.

WFP yatotanga kubatsira vanhu zviuru mazana maviri nemakumi manomwe 270, 000 zvekudya kusvika muna Kurume.

Hurumende ndiyo iri kuti ichabatsira vamwe vatarisana nenzara. Kushanduka kwemamiriro ekunze ndikowo kwave kukanganisa kurimwa kwechibage.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG