Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vari Kuvhota Musarudzo neMugovera Voyambirwa Kuti Vangwarire Kutapurirwa Cholera


Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCholera munyika huri kuramba huchiwedzera panguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo dzemaby-elections nemusi weMugovera.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambirawo vanhu kuti vangwarire kutapurirwa chirwere ichi apo vanenge vachivhota nemusi wemugovera musarudzo dzemaby elections mumatunhu matanhatu enyika.

Vachitaura neStudio7 nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Simbiso Ranga vakurudzira vanhu kuti vakoshese hutsanana panguva yekuvhota iyi nekugeza maoko uye kusangodya zvinotonhora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reWorld Health Organization rakatoyambira kuti vanhu vasaungane vakawanda sezvo zvichigona kuti vatapurirane chirwere checholera.

Nezuro bazi rezvehutano razivisa kuti vamwe vanhu vaviri vafa kuMasvingo neMashonaland West zvasiya huwandu hwevafa nechirwere ichi hwasvika pamazana mana nemakumi masere nemanomwe kana kuti 487 kubva zvatanga kupararira chirwere ichi gore rapera.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika zviuru makumi maviri nechimwe kana kuti 21, 000.

Forum

XS
SM
MD
LG