Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vechidiki Vasati Vabva Zera kumaruwa Vokwezva Kuita zvePabonde


National Aids Council Campaign
National Aids Council Campaign

Vanhu vakawanda kumaruwa vari kuwana raramo kubva mukurima kana mukuchera zvicherwa zvakaita segoridhe nemangoda.

Asi sezvakataurwa nevakuri kuti “chakupa chironda chati nhunzi dzikudye,” zvinonzi mari iyi yaunza matambudziko mumatunhu akawanda sezvo vamwe varume vachinzi vave kukwezva vànasikana vasati vabva zera vachiita zvepabonde navo, izvozvinonzi zviri kukonzera matambudziko akawanda.

Ongororo yakaitwa nebazi rinoona nezvechirwere cheHIV/AIDS munyika, reNational AIDS Council kana kuti NAC, yakaratidza kuti matambudziko anosangana nevanasikana kumaruwa anosanganisira kukurumidza kuita zvepabonde, kukurumidza kuroorwa, kubata zvirwere zvepabonde uye kubata HIV/AIDS.

NAC yakatanga chirongwa che”Sister-To-Sister” chinodzidzisa vanasikana nezvekukosha kwemiviri yavo, kuziva kodzero dzavo, nekusaita zvepabonde vachiri vadiki senzira yekuderedza matambudziko ari kusangana nevanasikana.

Ivy Tshuma, anobva kuUmguza, kuMatabeleland North
Ivy Tshuma, anobva kuUmguza, kuMatabeleland North

Mumwe musikana wechidiki ari muchirongwa cheSister-To-Sister, Ivy Tshuma weku Umguza mudunhu reMatebeleland North, anoti chirongwa ichi chakamudzidzisa kukoshesa muviri wake uye kuziva kodzero dzake semwanasikana, achiti ave kukwanisa kuzvimiririra ega panyaya dzepabonde nekuda kwedzidziso yaakawana.

“Ndakadzidza zvakawanda zvinosanganisira kukoshesa muviri wangu zvekuti haungobatwe nemunhu wese, uye kuziva kodzero dzangu semusikana”Ivy anotsanangura

Mumwe musikana wekwaZvimba mudunhu reMashonaland West, Susan Katiyo, anoti akadzidza kusanyengedzwa uye kuramba mari dzavanopihwa nemakorokoza egoridhe ari munzvimbo yavo.

“Kana mukorokoza uchizvifambira munzira anongosvika achiti anokusiira, wokuvimbisa kuti achakupa mari inoita ukabvuma, wobatwa nezvirwere zvakaita seAids, vamwe vanema-Cancer, vamwe varikurwara nezvirwere zvepabonde”Katiyo anotsanangura

Mushandi weNAC mudunhu reMashonaland West anoona nezvezvirongwa, kana kuti Programme Officer, VaDavison Mambudzi, vanoti chirongwa cheSister-To-Sister chinodzidzisa mwanasikana kuzvikoshesa pamwe nezvakaipira kutanga bonde munhu achiri mudiki uyewo nekukurudzira kuenda kunorapwa kana vabata zvirwere nekunoongororwa màgomarara nguva nenguva.

“Chirongwa cheSister-To-sister chinodzidzisa mwanasikana kuzvikoshesa, pamwe ne zvakaipira kutanga bonde munhu achiri mudiki uye kukurudzira kuenda kunorapwa kana ave nechirwere”VaMambudzi vanotsanangura

VaMambudzi vanoti zvikwanisiro zvekufambisa kuenda kunzvimbo dziri kure rimwe rematambudziko ari kusanganikwa nawo nevanodzidzisa vasikana ava.

“Tine dambudziko rezvekufambisa kuvadzidzisi kunzvimbo dziri kure” VaMambudzi vanochemachema.

Mushandi weNational Aids Council kuMashonaland West, VaDavison Mambudzi.
Mushandi weNational Aids Council kuMashonaland West, VaDavison Mambudzi.

Mumwe ane kambani yekuchera zvicherwa, Muzvare Chiedza Chipangura, vanoti vanochera zvicherwa vakawanda ndevechidiki vari kuita dzungu nemari izvo zvinoita kuti vaite zvepabonde nevanasikana vachiri vadiki.

“Taita dambudziko kuvanasikana avo vanokwezva nemari nemakorokoza munzvimbo dzose dzinocherwa zvicherwa”Mazvare Chipangura vanotsanangura

Muzvare Chipangura vanotiwo vanakomana vechidiki vari panjodziwo huru yekutaparirwa zvirwere nemadzimai echikuru anotengesa bonde mumasango munenge muchicherwa zvicherwa.

“Vanakomana vari panguva yakaomawo sezvo vari kudzidziswa zvepabonde nemadzimai makuru” Muzvare Chipangura vanozivisa

Dambudziko revanasikana iri rakaonekwawo nebokà rePlan International iro riri kuyàmura vana vasikana vanosvikà mazana matatu pagore kubva kumatunhu ose ari kumàruwa.

Mumwe mukuru musangàno rePlàn International, VaGedion Mukwishu, vanoti kuramba mwana àchienda kuchikoro kunoderedza matambudziko ekuita pamuviri nguva isati yàkwana uye kuroorwa kana kuroora asati abva zera.

VaDonald Mujiri
VaDonald Mujiri


Mutauriri mubazi rezvehutano munyika, VaDonald Mujiri vanokurudzira vamwe vemasangano akazvimirira kuti vàyamure nekutsigira màbasa ari kuitwa nemapazi ehurumende kuçhengetedza vanasikana nevanakomana.

“Tinokurudzira vanoda kuyamura muzvirongwa zvinoyamura vanasikana pamwe nevanasikana” VaMujiri vanotsanangura

Gwaro reongororo yakaitwa nebazi reUnited Nations, reUnited Nations Population National Assessment Pregnancies Report, rinoti musikàna mumwechete pavasikana gumi anobata pamuviri uye zvikàmu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50% vanenge vasina kugadzirira.

Zvimwe zvakabuda paongororo iyi ndezvekuti pamadzimai chiuru chimwechete nemàzana mashanu àne makumi matatu nemaviri, kana kuti 1 532 àkafa achibatsirwa, zvikamu makumi maviri nezvishanu ainge asati asvitsa makore makumi maviri nemana ekuberekwa, kana kuti 24.

VaMambudzi vanoti kuSister-To-Sister, vasikana vanosvika makumi maviri kanà kudarika vanoumba chipoka chavo icho chinodzidza zvidzidzo zvinosvika makumi manà nezvishanu pagore pasi pemudzidzisi kanà kuti mentor.

Kana vapedza zvidzidzo izvi vanozoenda vachinodzidzisawo vamwe. Sister-To-Sister iri kuwanikwa mumatunhu ose emunyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG