Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Nzvimbo Dzakawanda dzeKumaruwa Dzinonzi Dzakawana Nhomba yeKudzivirira Cholera Yakawanda


Kiriniki yeChirau kuMashonaland West.
Kiriniki yeChirau kuMashonaland West.

Nzvimbo dzakawanda dzekumaruwa dzinonzi hadzina kuwana nhomba yekudzivirira chirwere chekorera yakawanda kana zvichienzaniswa nekumaguta nemadhorobha, kunyange hazvo kurmaruwa kuine vanhu vakawanda vakabatwa nechirwere ichi.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti panhomba dzinosvika zviuru mazana masere, kana kuti 800 000, dzekudzivirira chirwere chekorera icho chauraya vanhu vanodarika mazana mashanu kubva muna Kukadzi gore rapera, dzakaendeswa kumaguta nemadhorobha. Nhomba idzi dzakapihwa nyika nesangano reWorld Health Organization-WHO pachena.

VaZephenia Chikwaka, mumwe mugari wekwaZvimba uko kune vanhu vakawanda vakabatwa nechirwere chekorera mudunhu reMashonaland West rese, vanoti hapana vashandi vezvehutano vakasvika kunzvimbo kwavo kwaChirau, uko kwakatombovhurwa nzvimbo yekurapira chirwere chekorera gore rapera.

“Kuno hatisati taona vanhu venhomba kusvika parizvino” VaChikwaka vanozivisa.

Mumwe mugari wekuMazowe mudunhu reMashonaland Central, Amai Chenai Mathe, vanoti vanodonhedzera nhomba vakauya munzvimbo yavo asi vamwe vanhu vaida kuwaniswa nhomba iyi vakaenda vasina kuiwana sezvo yakanzi yapera.

“Nhomba dzakatoperevedzera kuno zvekuti vamwe vanhu vakadzokera vasina kudonhedzerwa” Amai Mathe vanotsanangura.

Nhomba yekudzivirira cholera.
Nhomba yekudzivirira cholera.

Patabvunza kuti sei dunhu reKariba, iro rine vanhu vashoma vanosvika zana nevaviri, kana kuti 102 chete vakabatwa nechirwere chekorera muMashonaland West rakapihwa nhomba dzose dzakauya dzinosvika zviuru gumi nezviviri zvine mazana masere kana kuti 12 800, vachisiya Makonde ine vanhu mazana mana nemakumi matanhatu nemumwechete kana kuti 461, mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Doctor Clifford Dhenge vanoti Kariba inzvimbo inosvikira vanhu vachibva kunyika yeZambia, iyo iri kushungurudzwa zvakanyanya nechirwere chekorera.

“Nhomba dzatakapihwa dzakauya dzakanangana neKariba sezvo kuri kumuganhu neZambia, inzvimbo inenjodzi panyaya dzeKorera” VaDhege vanotsanangura.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland Central, Dr Cremance Tshuma, vanoti vakadonhedzera nhomba dzinosvika zviuru gumi nezvinomwe kana kuti 17 000, kumatunhu matatu avaitarisirwa kudonhedzera anoti Mbire, Mt. Darwin neMazowe, vachiti vakadonhedzerwa nhomba kuMbire ndeve kumaruwa.

“Nhomba dzedu dzakadonhedzerwa matunhu matatu anoti Mbire, Mt Darwin neMazoe uye kuMbire taidonhedzera kumaruwa chete” VaTshuma vanotsanangura.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vanoti dambudziko rekutanga ndere kuti vatungamiri vanoda kugadzirisa dambudziko vachiita zvematongerwo enyika, zvinoita kuti vamhanyire kumaguta nemadhorobha.

“Dambudziko ratinaro ndere kuisa nyaya dzezvematongerwo enyika munyaya dzose kusanganisira dzehutano izvo zvinoita kuti timhanyire kumadhorobha”Dr Madzorera vanotsanangura

Dr. Madzorera vanoti hurumende inofanirwawo kuyamura vanhu vekumaruwa kuvaka zvimbuzi kana kuti blair toilets kuitira kuti vanhu vasaitire tsvina mumasango zvinozoita kuti tsvina iyi ipedzesera yave munzvimbo dzinonwiwa mvura.

“Tinofanirwa kubatsira vanhu vekumaruwa kuvaka zvimbuzi sezvatakaita makore apfuura kuti vanhu vasaitire tsvina pose pose”Dr Madzorera vanotaura.

VaItai Rusike, mukuru weCommunity Working Group on Health.
VaItai Rusike, mukuru weCommunity Working Group on Health.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health-CWGH, VaItai Rusike, vanoti ichokwadi kuti nhomba ishoma kumaruwa, vachiti hurumende inofanirwa kuenzanisa nzvimbo sezvo kwese kuine dambudziko remvura sezvo zvibhorani zvakawanda zvisisashande kwese kumadhorobha nekumaruwa.

“Hapafanirwe kupatsanurwa kumadhorobha nekumaruwa sezvo kwese kuine dambudziko remvura” VaRusike vanozivisa.

Gurukota rezvehutano, Dr. Douglas Mombeshora, vanobvuma kuti nhomba dzakawandira kumadhorobha pari zvino nekuda kwekuti ndiko kwakatanga nekudaro pakataurwa nyaya yerubatsiro neWorld Health Organization-WHO kumadhorobha ndiko kwakapihwa rubatsiro rwakauya sezvo vasingabvumirwe kuzochinja dunhu rinofanirwa kuwaniswa nhomba idzi.

Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei? Dr. Mombeshora vanoti svondo rino neChipiri mumusangano wemakurukota ehurumende vakatopa chikumbiro chekuti bazi rezvemari ritenge nhomba dzinosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri nemakumi mashanu, kana kuti 2 250 000, chichemo chavanoti chakatambirwa.

“Ndakatopa chikumbiro chekuti titenge nhomba tichishandisa mari yedu kumusangano wemakurukota ehurumende svondo rino, chikatambirwa” Dr Mombeshora vakazivisa.

Dr. Mombeshora vanoti hurumende iri kutarisira kuti vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe vadonhedzerwe nhomba yekudzivirira chirwere chekorera nekukurumidza.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti nhomba chete haipedze dambudziko rekorera, vachiti vanhu vanofanirwa kuwaniswa mvura yakachena uye marara achitakurwa mumadhorobha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG