Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

PaWorld Radio Day: Hurumende Yokurudzirwa Kupa Vakazvimirira Chaivo Marezinesi eKutepfenyura


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi kucherechedza zuva rekutepfenyura parhediyo, kana kuti World Radio Day, paine kurudziro yekuti hurumende ipewo makambani akazvimirira oga marezinesi ekutepfenyura sezviri kuitwa munyika dzakawanda.

Hurumende nhasi haina hurongwa hwayaita kucherechedza zuva iri kunze kwekungotumira mashoko padandemutande reX, iro raimbonzi Twitter, ichiti inobatana nepasi rose kupemberera makore zana vanhu vachitepfenyura parhedhiyo.

Asi muHarare mange muine mhemberero dzarongwa nesangano rinomiririra vanotepfenyura munharaunda, reZimbabwe Association of Community Radio Stations, kana kuti ZACRAS, richitsigirwa nemuzinda weAmerica mu Zimbabwe. Musangano uyu wapindwa nevatori venhau, masangano akazvimirira ega, mapazi ehurumende pamwe nekomiti inoona nezvekufambiswa kwemashoko mudare reparamende.

Mukuru weZACRAS, Amai Sandra Mazunga, vakurudzira hurumende kuti irerutse mutemo pakuwaniswa kwemarezinesi munyika kwevanoda kutepfenyura munharaunda. Vati nhepfenyuro dzerhedhiyo dzine basa guru pakupa vanhu mashoko akakosha.

Mumwe mushandi mukuru muchikamu chekudyidzana neruzhinji pamuzinda we America muZimbabwe, Amai Rebecca Archer Knepper, vatiwo zvakakosha kuti hurumende ivandudze pamwe nekurerutsa mitemo yezvekutepfenyura kuitira kupa mikana kuzviteshi zvenharaunda kuti zviwane rubatsiro kubva kumasangano akasiyanasiyana. Vati, "Ndinoona zvakakodzera kuti pavandudzwe mitemo inopa mvumo kunhepfenyuro dzemumatunhu kuti dzikwanise kuwana rubatsiro kubva kumasangano akasiyanasiyana pamwe nekupa mamwe marezinesi" amai Rebecca Archer Knepper vanotsanangura.

Mukuru wenhepfenyuro yeAvuxeni FM, Muzvare Pretty Dlamini, avo vapindawo mugungano ranhasi, vati pane zvakawanda zvichiri kuda kuitwa nehurumende kusimudzira nhepfenyuro dzemunharaunda.

"Pane zvimwewo zvatinosangana nazvo zvatinoda kuti hurumende igadzirise itibatsire. Tinodawo homwe inoita kuti mashandire ezviteshi izvi avandudzwe" muzvare Dlamini vanotsanangura.

Nyanzvi munyaya dzebudiriro pakufambiswa kwemashoko vachishanda nesangano reInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vakurudzira hurumende kuti ipewo marezinesi kune mamwe masangano akazvimirira agara nguva yakareba asina kupihwa mvumo yekutepfenyura.

"Hurumende inofanirwa kupa marezinesi kunyangwe kumasangano enhau akazvimirira ega. Tinoonawo kuti marezinesi aya ave kupiwa zvichitariswa kuti uri ani uye zvinotariswa kuti unotsigira bato ripi" Va Mukundu vanopa mafungiro avo.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekufambiswa kwemashoko mudare reparamende, VaCaston Matewu, vati vari kushanda nehurumende kuti zvive nyore kuwana marezinesi ekutepfenyura.

"Isu separamende tirikuda kuona kuti hurumende yavandudza mitemo kuti kuwaniswa kwemarezinesi aya kureruke" Va Matewu vanotsanangura pamire komiti yavo muparamende.

Mugari wemu Harare ada kuzivikanwa nezita rekuti Amai Wesley, akurudzira hurumende kuti ipewo mikana kumadzimai kuti vatungamirewo zvirongwa zvenhepfenyuro. Mumwe mugari wekuChiredzi, VaLivison Chauke, vati zuva ranhasi rakakosha zvikuru kwavari.

Sachigaro wekomisheni inoona nezvekufambiswa kwemashoko, yeZimbabwe Media Commission, Muzvinafundo Ruby Magosvongwe, vanotiwo nhepfenyuro dzine basa guru mukupa ruzivo kunharaunda, kunyanya panguva ino yakatekeshera chirwere che cholera.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Jenfan Muswere, kana munyori mukuru mubazi ravo VaNick Mangwana. Tayedza kufona nekuvatumira mibvunzo asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo. Asi vanogara vachiti hurumende yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yapa mikana nhepfenyuro dzakawanda dzematunhu kuti dzitepfenyure. Asi vamwe vanopikisa vanoti marezinesi ari kupihwa kune vanotsigira bato reZanu-PF kunyanya.

MuZimbabwe kutepfenyura parhediyo kwakatanga muna 1933 kuBelvedere, Harare ichanzi Salisbury, nyika ichiri kunzi Southern Rhodesia. Zuva reWorld Radio Day rinocherechedzwa gore roga roga musi wa 13 Kukadzi pahurongwa hunotungamirwa neUnited Nations. Gore rino zuva iri riri kuitwa pasi pedingindira rinotarisa mabasa erhedhiyo mukupa vanhu mashoko akakosha, uye kuvafadza kana kuti; "Radio: A Century Informing, Entertaining and Educating". Hurumende inonzi yakapa marezinese kunhepfenyuro dzematunhu dzinodarika gumi neina (14).

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG