Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatungamiri veMatunhu Vonyunyuta neKusungwa Uye Kudzingwa kweDzimwe Mhuri Dziri Pasi Pavo


Dzimwe mhuri dzakadzingwa padzaigara kuMutorashanga, kuMashonaland West.
Dzimwe mhuri dzakadzingwa padzaigara kuMutorashanga, kuMashonaland West.

Mamwe madzimambo, masadunhu nemasabhuku vanoti havasi kufara nekusungwa nemapurisa pamwe nekudzingwa nematare edzimhosva kuri kuitwa dzimwe mhuri dziri mumatunhu avo.

Vanhu vakawanda vari kudzingwa munzvimbo dzavanga vagere vachiti ndiyo misha yavo mumatunhu akawanda emunyika zvichinzi vakazvigarisa munzvimbo idzi zviri kunze kwemutemo kana kuti dzine hurongwa hwekuvakwa madhorobha.

Vamwe vevagari ava vanoti vari kusiiswa zvirimwa zvavo zvichiri muminda, kuparadzirwa pfuma yavo, vana vachisiiswa zvikoro sezvo vari kupiwa nguva pfupi pfupi yekuti vange vabva munzvimbo dzavagere.

Chirimwa chesoya bhinzi.
Chirimwa chesoya bhinzi.

Mapurisa anoti kusvika pari zvino asunga vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana manomwe ane makumi manomwe nevashanu, kana kuti 3 775, vachinzi vagere zvisiri pamutemo pasi pechirongwa chinonzi “Operation No Land Barons And Illegal Settlements.”

Asi vamwe vanoti matare anenge ave kuonawo kuipa kwechirongwa ichi sezvo dare repamusoro rekuMasvingo nezuro rakati hurumende imbomira kudzinga vamwe vanhu vange vave nemakore makumi mana vari pamisha yavange vodzingwa nehurumende.

Mumwe mugari wepapurazi reLazy Five, kuMashonaland West, apo pakasungwa vanhu vanosvika makumi maviri nevatanhatu kana kuti 26, VaWeston Mukuruva, vanoti vave nemakore makumi maviri vagere papurazi apa vachiti havana kumwe kwekuenda.

“Pekugara pandinoziva papurazi pano nekuti ndipo pandakazvarirwa tese nevabereki vangu vakafira pano,” VaMukurava vanotsanangura.

Mumwe mugari wekuManicaland, VaJonas Dhlakama, vanoti vari kunzi vabve panzvimbo yemadziteteguru avo kuti paiswe dhorobha, kunyange hazvo vachiti havana kwekuenda nekuti hapana kumwe kwavanoziva kunze kwepakafira madzitateguru avo.

Mhuri dzakawanda dziri kuchema kuti dziri kusiiswa misha yadzakavaka.
Mhuri dzakawanda dziri kuchema kuti dziri kusiiswa misha yadzakavaka.

“Madziteteguru edu akafirwa pano akavigwa pano hapana kwatiri kuenda. Tinoda kuona kwazvinosvika” VaDhlakama vanotsanangura.

Chimwe chinonzi chiri kunyanya kurwadza vari kudzingwa ava ndechekuti mune dzimwe nzvimbo dzakaita sepapurazi reHapaz kuBanket kuMashonaland West, madzimambo ndiwo ari kutokonzera kubviswa kwevanhu munzvimbo dzavagere, sezvinonzi zvakaitwa naMambo Zvimba, VaStanley Nyamhondoro, avo vanonzi vakasungisa vanhu vanosvika makumi matatu svondo rapera.

Asi Mambo Zvimba varamba mashoko aya vachiti vanhu vari kubvisa papurazi apa nebazi rezveminda, kwete naivo.

“Hapana vanhu vatakabvisa pano, harisi basa redu ibasa rebazi rezveminda nemapurisa” Mambo Zvimba vanoramba.

Mukuru weYouth Platform for Community Development, VaClarisa Madhuku, vanoti mitemo yemunyika haisi kuchengetedza vagary, uye hapana kana munhu mumwechete zvake akatengesera vanhu pekugara, kana kuti land baron, ati asungwa.

“Hapana patakambonzwa kuti vari kutengesera vanhu pekugara vari kusungwa, vari kungoshungurudza vagari vari mumatunhu chete,” VaMadhuku vanotsanangura.

Mambo Katizagombo, VaGibson Jenami, vekuMashonaland West, vanoti zvinhu hazvina kufambiswa zvakanaka kubva pakutanga vachiti pave nekudhonzerana masimba pakati pemadzimambo nemakanzuru.

“Kanzuru ndiyo yaifanirwa kuongorora kuti maSabhuku ari kugarisa vanhu zvakanaka here kwete zvavave kuita Izvi nhasi’ Mambo Katizagombo vanotsanangura.

Vamwe vari kupaza vega dzimba dzavo.
Vamwe vari kupaza vega dzimba dzavo.


Ukuwo, gurukota rezveminda, Doctor Anxious Masuka, vanoti ivhu rose nderemutungamiri wenyika vachiti vanorishandisa zvavanoda nekuripa wavanoda.

“Ivhu rose ndere mutungamiri wenyika ini ndakangopakata chete hakuna munhu anofanirwa kurota ari mutungamiri wenyika achigovera vanhu ivhu”VaMasuka vanozivisa.

Asi VaMadhuku vanodzoka vachiti simba riri kunzi ndere mutungamiri wenyika paivhu riri kushandiswa zvehutsinye.

“Simba remutungamiri wenyika kuchengetedza mitemo yenyika kwete kuita zvavanoda nekuti zvinogona kupikiswa” VaMadhuku vanotsanangura.

Patabvunza kuti sei nyanya dziri kutengesera vanhu pekugara nekurima dzisiri kusungwa, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vari kuenderera mberi nekusunga munhu wose akatyora mutemo munyaya dzenzvimbo dzekugara pamwe nedzekurima.

Gweta revamwe vagari vari kubviswa pamisha yavo kuChipinge, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti hapana chavanotaura panyaya iyi sezvo nyaya iyi iri kumatare.

Mukuru weZimrights, VaDzikamai Bere, vanoti vanhu havafanirwe kungobviswa pavanenge vagere pasina kwavanoendeswa kune zvikwanisiro zvekurarama.

“Hapana munhu anofanirwa kubviswa paagere achinokandwa musango, kutyora kodzero dzevanhu. Kodzero dzakawanda dzinenge dzichityora,” VaBere vanotsanangura.

Vamwewo vanoti dambudziko rekubviswa kwevanhu kumaruwa rinofanirwa kutanga kugadziriswa nekuvandudza mutemo weCommunal Lands Act wavanoti wagarisa uye unodzvanyirira vagari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG