Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Voita Oparesheni yeKuumbiridza Mazamu eMadzimai Ane Chirwere cheGomarara.


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti madzimai anenge avhiyiwa mazamu nekuda kwechirwere chegomarara ave kukwanisa kuitwa imwe oparesheni inonzi Goldilocks Mastectomy, iyo inoumbiridza zamu pachishandiswa ganda nemafuta emuzamu macho. Oparesheni iyi yakatangwa muAmerica makore adarika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Simbarashe Mungazi vanoti vari kuitawo oparesheni iyi kubatsira madzimai.

Vanhu vakawanda vagara vanoshushushikana nemavanga anosara pakubviswa kwezamu kana rabatwa nechirwere chegomarara sezvakaita Amai vaMuzvare Maria Magwa

Chiremba Mungazi vatsanangurawo rwendo rwavafamba vachidzidzira kuita maoparesheni ekubvisa magomarara epazamu.

Vaito madzimai erudzi rwechitema akawanda anofa nechirwere chegomarara repazamu sezvo achizoenda kuchipatara chirwere chakomba.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzehutano munharaunda reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vati zvakakosha kut madzimai kuti aende kunovhenekwa gomarara repazamu gore roga roga.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Nomsa Tsikai vanoti kusayamwisa vana kana kubereka vana vakawanda zvinogonawo kukonzera gomarara repazamu. Vakurudzirawo vanhu kuti vadye chikafu chisina mafuta akawandisa kuti vasabatire zvirwere zvegomarara.

Mukuru weNational Cancer Registry VaEric Chokunonga vanotiwo tsvagurudzo yakaitwa mugore ra2018, inoratidza kuti gomarara repazamu nerepasikarudzi yevanhukadzi kana kuti cervical cancer, ndiwo ari kuuraya vanhu vakawandisa munyika kudarika mamwe ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG