Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotambira Rubatsiro rweGorosi neFotereza Zvabva kuRussia


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weRussia, VaVladimir Putin.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weRussia, VaVladimir Putin.

Zimbabwe yatambira rubatsiro rwegorosi nefotireza kubva kuRussia pasi pechirongwa cheRussia chekubatsira nyika dzemuAfrica nechikafu.

Zimbabwe yatambira nhasi gorosi nefotereza zvayapihwa neRussia sekuvimbisa kwayakaita gore rapera.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaVangelis Haritatos vati fotereza yabva kuRussia ichagoverwa kuvarimi pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika chekubatsira varimi, che"Presidential Inputs Scheme.”

“Tatambira gorosi nefetiliser nhasi tiri pa Aspindale patiri ku inspector kuti matani asvika mangani? Ose haasati auya, takamirira mamwe,” Vadaro VaHaritatos.

Fotereza yasvika munyika chikamu chefotereza inodarikaka matani makumi maviri ezviuru akavimbiswa gore rapera pamusangano weRussia Africa Summit nemutungamiri we Russia, VaVladimir Putin, kuti vachabatsira Zimbabwe.

VaHaritatos vatiwo mutungamiriri wenyika, VaEmmmerson Mnangagwa, ndivo vachazironga kuti gorosi richazofambiswa sei.

“Taendawo kuBindura makuseni kwauya mafotereza, asi mamwe achiri munzira saka izvi ndOzvatapuwa neRussia,” VaHaritatos vadaro.

Pamusangano we Russia Africa Summit, VaPutin vanonzi vakavimbisa nyika nhanhatu dzemuAfrica kuti nyika yega yega yaizowana matani zviuru makumi mashanu zvechikafu.

Sangano renhau reReuters rinoti Russia yakwanisa kutumira chikafu chinosvika mazana maviri ezviuru zvematani.

VaPutin vanonzi vakatiwo vachapa Africa rubatsiro rwechikafu rwunosvika ma metric tones mamiriyoni makumi manomwe, uye chikafu ichi chinonzi chichange chichisvika pamari inoita US$16, 5 billion.

Gorosi rapinda munyika rasvika panguva iyo vanhu vari kushaiwa chikafu chakakwana munyika nekudaro vanorwira kodzero dzevanhu vati vanofunga kuti mutungamiriri wenyika achati gorosi ripuwe vagari vekumaruwa.

Vanoona nezve matongerwe enyika vakazvimirira, VaTakudzwa Changandeya, vati izvi zvaitika panguva yakanaka sezvo kune nzara, asi rubatsiro rweRussia harungouyi pasina zvainowanawo munyika.

“Rubatsiro urwu harusi kuuya pachena. Russia inenge ichida kuita manipulation yozowanawo zvainoda munyika,” vanodaro VaChangandeya.

Ukuwo, Zimbabwe neBelarus dzasainirana chibvumirano chekuvaka matura maviri echikafu kuGrain Makerting Board.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG