Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Nzara Yopfunya Chisero muMaruwa Akawanda muNyika


Zvirimwa zvinonzi zvaparara zviri mumunda nekushaya mvura.
Zvirimwa zvinonzi zvaparara zviri mumunda nekushaya mvura.

Vagari vakawanda kumaruwa vanoti nzara yapfunya chisero mudzimba dzavo sezvo zvirimwa zvavo zvakaita sechibage zvaoma muminda nekuda kwekushaya mvura.

Kunyange vagari ava vachinzi vainge vamboyambirwa kuti mwaka uno mvura haisi kuzonaya zvakanaka, vakawanda vanoti havana kumbofunga kuti denga ringavaseke zvakadai zvekuti mvura inoenda chibage chichiri chidiki, chimwe chave kuda kutumbuka.

Vakawanda vanoti vanogona kutoshaya kana chibage chekugocha zvacho sezvo chibage chavo chave kuoma nekuda kwekushaya mvura.

Mumwe mugari wekuMhondoro, mudunhu reMashonaland West, VaRaymomd Mutyambizi, vanoti havachisina tariro yekuti vanokohwa here gore rino, sezvo chibage chavo chatooma.

“Kunze kuri kugocha zvekuti mbeu dzose dzaparara nezuva hakuna mvura,” VaMutyambizi vanotsanangura.

Kuoma kwakaita zvirimwa kuMhondoro ndiko kunonzi kwakaita kwaSadza mudunhu reMashonaland East, uko kunogara VaMuchadeyi Hozheri.

VaHozveri vanoti havaoni paine muguri wechibage wavanodya mwaka uno sezvo chibage chavo chiri kuoma chisina kufurura.

“Handitombobata kana muguri mumwechete zvawo, chibage chose chatsva nezuva,” VaHozheri vanochemachema.

Vamwe varimi vave kutotinhira mombe muminda.
Vamwe varimi vave kutotinhira mombe muminda.


Kunyange varimi vefodya vakaita saVaNhamo Mkwesha, avo vanorima nemvura yekumudenga, vanoti fodya yavo yatotsvukuruka isati yasimba zvekuti giredhi rayo richange riri pasi zvakanyanya.

“Fodya yangu yose yatsvukuruka isati yaibva zvekuti ichandipa mari shoma pane yandaitarisira”VaMkwesha vanotsanangura

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Farmers Union, ZFU, VaPaul Zakariya, vanoti mvura ikasanaya svondo rinouya ndipo paperera sarungano yevarimi vakawanda, zvikuru vanotarisira mvura yemudenga.

“Pakaita svondo mvura isati yanaya kunyange ikazonaya mbeu hadzichararama,” VaZakariya vanodaro.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Intergrated Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, avo vanoti pazvirimwa zvakawanda hapachisina tariro kunyange mvura ikanaya yakawanda seyenguva yaNoah.

“Zvirimwa zvatsva muminda uye zvirimwa zvino rimwe nemvura ye Kudenga zvanyanya kuparara munzvimbo zhinji dzemunyika”Amai Jiti vanotsanangura."

Hatina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, iro rine boka rinobatsira vakawanda nezvekudya, kana kuti reSocial Welfare Department, VaJuly Moyo, sezvo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo. Asi gurukota rezvemaindasitiri, Amai Sithembiso Nyoni, vakamboudza Studio 7 mazuva mashoma adarika kuti matura eGrain Marketing Board -GMB- ane chibage chinokwanira munhu wese anoda ruyamuro.

Mutauriri webazi rinoona nezvekuwaniswa kwezvekudya kune vanotambura, reWorld Food Program-WFP munyika, VaChristopher Charamba, vanoti vakatotanga kupa zvekudya zvinokosha madhora ekuAmerica mamiriyoni gumi nerimwechete kana kuti US$11 million, kuvanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matatu, kana kuti 230 000, kunzvimbo dzinoti Chiredzi, Mangwe, Chivi, Mwenezi neBuhera.

“Pari zvino tiri kuyamura vanhu mumatunhu manomwe nezvekudya kusvika muna Kurume vanhu vakohwa,” VaChambara vanozivisa.

Rubatsiro rwakapiwa neUSAID kusangano reWFP muZimbabwe.
Rubatsiro rwakapiwa neUSAID kusangano reWFP muZimbabwe.


Sangano reWFP nebazi re Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVAC) vanoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe, kana kuti 2.7 million, vanoda rubatsiro mumatunhu ose emunyika kubva mumwedzi waNdira kusvika kupera kwaKurume.

Bazi rekuAmerica, reUSAID, riri kubatsira WFP nemari yekutsigira chirongwa chiri kutungamirwa nehurumende cheFood Deficit Mitigation Strategy Programme, icho chichabatsira vanhu ava.

Rubatsiro rweUSAID urwu rwakasvitsa mari yapiwa WFP neAmerica kubatsira zvirongwa zvekurwisa nzara muZimbabwe kumadhora ekuAmerica mamiriyoni makumi maviri nemana nezviuru mazana matatu, kana kuti US$24.3 million, mugore ra 2023.

Gwaro rakaburitswa neZIMVAC rinoti zvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana zvevagari vekumaruwa zvichange zvisina chikafu chinozvikwanira zvichaita kuti padiwe matani zana rezviuru zvechibage.

Kushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Niño mumwaka wa 2023/2024 kunonzi ndiko kwakaderedza mvura yemudenga, uye kunonzi kuchaita kuti vanhu vakawanda vade rubatsiro rwechikafu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinoti kusanaya zvakanaka kwemvura kuchakanganisawo zvirimwa zvemuchando zvakaita segorosi, muriwo nembatatisi sezvo mvura ichange iri shoma, uyewo zvipfuwo nemhuka dzesango zvichanetseka kuwana mafuro pamwe nemvura yekunwa.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department-MSD-rakatozivisa kare kuti munyika muchange musina mvura yekunaya kusvika neMuvhuro svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG