Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vanhu veKumamisha kuChipinge neGwanda Vari Kudzingwa Pavagere Vomiswa Pamberi peMatare


Vanhu makumi maviri nevashanu vekumusha kwaMahachi kuChipinge, Manicaland vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekugara zvisiri pamutemo panzvimbo inonzi iri kuda kuvakwa dhorobha nekanzuru yeChipinge.

KuGwanda vachuchusi vaudza dare kuti havachachuchuse vamwe vanhu zana negumi nevapfumbamwe vange vachipomerwa mhosva yekuzvigadzawo pamutemo.

Magweta evanhu ave kubva kusangano reZimbabwe Lawyers For Human Rights ati vanhu ava vane humbowo hwekuti vari kugara zviri pamutemo.

Vachuchusi vazoti vachaenderera mberi vachichuchisa vamwe makumi matanhatu nemumweuye vachamiswa pamberi pedare mangwana.

Mutungamiri wesangano re Platform For Youth and Community Development VaClaris Madhuku vanoti zvakakosha kuti hurumende ikwanise kubuda pachena kuti nyaya yekubviswa kwevanhu nekuputsirwa dzimba dzavanogara yamira seyi parizvino.

“Makurukota ehurumende akagara pasi akazeya nyaya iyi vakati kuputswa kwedzimba nekubviswa kwevanhu munzvimbo dzavanogara kumbomiswa asi tiri kuona nyaya idzi dzichiramba dziri kumatare izvo zviri kuti shungurudza sesangano,” VaMadhuku vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG