Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMvura Rakomba kuBulawayo paNguva Iyo Cholera Iri Kuramba Ichiuraya Vanhu.


VaDavid Coltart -CCC
VaDavid Coltart -CCC

Gurukota rekurima Dr Anxious Masuka vanoti chikumbiro chekanzuru yeguta reBulawayo chekuti kushomeka kwemvura muguta iri kuonekwe sedambudziko rinoda kugadziriswa nekukasika, kana kuti national emergency, chichatambirwa chete mushure mezvichabuda muongororo ichaitwa nekomiti yakasarudzwa nebazi ravo kuti iwone nezvekuwaniswa kwemvura yakakwana muguta iri.

Vachitaura nevatapi venhau mushure memusangano wavaita nenhengo dzekomiti inoona nezvekuwandudzwa kwenzira dzekuwanisa vanhu mvura kana kuti “Technical Committee On Improving Water Supply,” Doctor Masuka vati vanoziva chose kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta reBulawayo riri kunyanya gore rino nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.

Asi vati hurumende haingakasiki kutambira chikumbiro chekanzuru yeguta iri chekuti dambudziko iri rinzi raipisisa zvikuru pasati paitwa ongororo yakakwana.

Guta reBulawayo rinowana mvura kubva kumadhamu matanhatu asi pari zvino riri kungowana kubva kumatatu chete anoti Insiza, Inyankuni neMtshabezi, nekuti mamwe matatu haachina mvura yakakwana.

Kanzuru inoti pari zvino mumadhamu aya mune mvura inosvika zvikamu makumi mana nezvitanhatu kubva muzana, inove shoma zvikuru zvichienzaniswa nezvikamu zvinopfuura makumi manomwe kubva muzana zvemvura inosiwanikwa mumadhamu panguva ino yegore.

Dr Masuka vati komiti yekubatsira kuti guta reBulawayo kuti riwane mvura yave kuzowedzerwa mamwe mazuva vakatiwo dhamu guru riri kuvakwa reGwayi-Shangani ndiro richapedza matambudziko ekushaikwa kwemvura muguta iri.

Vakambove sachigaro wesangano reBulawayo Progressive Ratepayers Association, VaAmbrose Mlilo, vaudza Studio 7 kuti hurumende haina chikonzera chekukweva tsoka pakuti dambudziko rekushaikwa kwemvura muBulawayo rinzi raipisisa zvikuru.

Mumwewo mugari, VaMarshall Muzamindo, vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanirwa kuzvipira kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta reBulawayo ripere zvachose, kwete kushandisa nyaya iyi senzira yekutsvaga rutsigiro mune zvematongerwo enyika.

Meya weguta reBulawayo, VaDavid Coltart, vatsinhira kuti dambudziko rakatarisana neguta panyaya yemvura igukutu asi vakurudzira vanhu kuti vasanyanyovhunduka, vachiti vanofara nemushandirapamwe uri kuitwa pakati pekanzuru yavo nehurumende, uyo wati vanovimba kuti uchabatsira kuti dambudziko iri rigadziriswe nekukasika.

Pari zvino vagari vari kuwana mvura kwapera mazuva ari pakati pesvondo kana kumasvondo maviri zvekuti vave kurarama nezvibhorani.

Kushaikwa kwemvura uku kuri kupa kuti nyanzvi dzezvehutano dzityire kupararia kwechirwere checholera chauraya vanhu mazana mashanu nemakumi matanhatu nemumwe kana kuti 561 kusvika parizvino.

Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nemashanu kana kuti 25 000 vabatwa nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG