Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Mapere neZvimwe Zvikara Zvorura muNyika Zvichiuraya Vanhu neMhuka


Waraabe
Waraabe

Vamwe vagari vemumaruwa vari kuchema chema nedambudziko remapere, nzou neshumba zvorura munharaunda mavo zvichiisa hupenyu hwavo nezvipfuyo munjodzi.

Matunhu atarisana nedambudziko remhuka dzesangano iri anosanganisira Masvingo kunzvimbo dzakaita seBikita neGutu, kuMatabeleland North kunzvimbo dzakaita seTsholotsho neHwange uye kuMashonaland West.

Mumwe mugari wemubhuku rekwaMakonese, kwaIshe Chin’ombe kwaGutu, Ambuya Rosina Gonese vanoti mapere arura.

Mugari wekwaChikuku kuBikita VaGarikai Shumba vari pedyo nenzvimbo inochengeterwa mhuka yeDevule Conservancies vanoti pazvikara zvose, mapere ndiwo anetsa.

Mambo Chundu vekuHurungwe VaAbel Mbasera vakurudzira hurumende kuti igadzirise waya dzenzvimbo dzemhuka dzavati dzimwe dzakaiswa kare nyika isati yawana kuzvitonga kuzere.

Asi vanoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka vanoti vamwe vanhu vanoba fenzi dzinenge dzakakomberedza kunochengeterwa mhuka.

Munyori mukuru muhofisi yegurukota reMasvingo, Doctor Addmore Pazvakavambwa vanoti vakatambira zvichemo zvekurura kwemhuka dzesango vakakoka gurukota rezvekushanyirwa kwenyika VaMangaliso Ndlovu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemasho mubazi rezvekuchengetedzwa kwemhuka reZIMPARKS VaTinashe Farawo vati hurumende yakaisa parutivi homwe inobatsira vanenge vaurayiwa kana kukuvadzwa nezvikara zvemusango asi vakatiwo vari kudzidzisawo vanhu nezvekugarisana nazvo.

Vanotiwo vari kuita zvirongwa zvekudzidzisa vagari vekumaruwa kuvaka matanga anoita kuti mhuka dzisapinde uye kushandisa zvakaita semhiripiri kuti nzou dzisapinde munzvimbo dzavo nekuchengetedza waya.

Zimparks inoti gore rapera chete vanhu makumi mashanu vakaurayiwa nemhuka dzesango.

Varimi vari pedyo nenzvimbo yeHwange National Park vanoti varasikirwa nemombe mazana maviri gore rino. Madhongi, huku nembudzi ndezvimwe zvipfuyo zviri kudyiwa nemapere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG