Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vagari Vonyunyuta neMapinzirwo Ari Kuitwa Vanhu Mabasa neMakambani Ari Kugadzira muMugwagwa weHarare-Chirundu


Mugwagwa weHarare-Chirundu uri kugadziridzwa.
Mugwagwa weHarare-Chirundu uri kugadziridzwa.

Vamwe vagari mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara nehuori hwavanoti huri kuitika munyaya dzekupinzwa kwevanhu mabasa nemakambani ari kugadzira mugwagwa unobva kuHarare uchienda kuChirundu.

Vagari ava vanowirirana nevekumwe kumatunhu munyika kuri kuitwa zvirongwa zvehurumende zvakaita sekuvakwa nekugadzirwa kwemigwagwa, avo vanoti mapinzirwo evanhu mumabasa anopihwa mari nehurumende haana kujeka uye azere nehuori.

Izvi zvinotevera kutadza kupinda mabasa kunonzi kuri kuita vamwe vechidiki kumakambani ari kugadzira mugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu uyu.

Vashandi vari kugadzira mugwagwa weHarare-Chirundu.
Vashandi vari kugadzira mugwagwa weHarare-Chirundu.

Mumwe wechidiki anoti ari kushaya basa ndiMuzvare Benihilda Tsoto vekuMapinga, uko kuri kushanda kambani yeTensor.

Muzvare Tsoto vanoti vanofunga kuti vanhu vari kupinda mabasa vari kubviwa navo kuHarare.

“Vari kubva nevanhu vavo kuHarare isu tiri kumuka kuma 5 tichiswera pano pasina kana munhu anopinda basa,” Muzvare Tsoto vanonyunyuta

Muzvare Tsoto, avo vanoti vaimborarama nekuita maricho, vanoti iye zvino vave kurarama nekutengesa bonde kuvashandi vemumugwagwa vari paMapinga asi hazvisi kubhadhara zvekuti vakwanise kurarama.

“Iye zvino ndiri kurarama nekupinda mubhawa asi hazvisi kubhadhara zvekuti ndinotombo shaya kana kobiri zvaro,” Muzvare Tsoto vanotsanangura.

Mumwe mugari wepaRukoba, VaJeremiah Sande, vanoti pavanhu vanosvika zana vakanyoresa kuna Sabhuku wavo kuti vapinda basa vaviri chete ndivo vakakwanisa kuriwana, vachiti zviri pachena kuti pari kuitwa zvechioko muhomwe kuti munhu apinde basa.

“Vagari vemuno havasi kipinda mabasa, pavanhu zana nemakumi manomwe vakanyorwa mazita naSabhuku vaviri chete ndivo vakapinda basa,” VaSande vanotsanangura.

Vagari vekuMapinga vakaforera mabasa.
Vagari vekuMapinga vakaforera mabasa.

Mumwe Sabhuku wemuwadhi 32 muri kupfuura nemugwagwa uyu asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo achitya kuzoshungurudzwa, anoti vari kutambiswa bhora risina mweya sezvo vana vavakanyora mazita kuti vapinde basa vasiri kutorwa.

Patabvunza kuti sei vana vashoma vari kupinda mabasa munzvimbo mavo, mukuru wemasabhuku munzvimbo yeMapinga uye vari vaimbove murwi wehondo wyerusununguko, VaEzeria Horwe, vanoti vakambobvunzawo kuvakuru vemakambani vakanzi vashandi vachatorwa zvishoma nezvishoma kusvikira vawanda sezvo mugwagwa uchangotanga kugadzirwa.

“Vemakambani ava vanoti vachatora vanhu vakawanda asi vanotorwa zvishoma nezvishoma sezvo kugadzirwa kwemugwagwa kuchangotanga,” VaHorwe vanozivisa zvavakataurirwa.

Mumwe mukuru wekambani yeTensor, VaRichman Machanga, vanoti vanopa basa vagari vemunharaunda muchapfuura nemugwagwa uri kugadzirwa sezvo riri donzvo ravo kusimudzira vanhu nenzvimbo dzavanoshandira.

Vagari vekuMapinga vachitsvaga mabasa.
Vagari vekuMapinga vachitsvaga mabasa.

Mushure mekunge paita mutauro pamusoro pekupinda basa kwevanhu vari kuyamura kugadzirwa kwemugwagwa uyu, gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Marian Chombo, vakaita musangano wechimbichimbi apo vakaudza vakuru vakuru vemakambani ari kugadzira mugwagwa uyu kuti vose vachapinda mabasa vanotanga kunyorwa mazita nemaSabhuku, mazita acho ozounzwa kumahofisi kwavo uko gwaro remazita acho richazodhindwa risati rapihwa vemakambani kuti vapinze vanhu mabasa.

“Takawirirana kuti mazita anonyorwa nemaSabhuku owuya kuhofisi kwangu kwatinodhinda mapepa acho tisati tapa vemakambani ari kushanda mumugwagwa kuti vapinze vanhu vanemazita akanyorwa,” Amai Chombo vanotsanangura.

Pakamboita mutauro zvakare pakagadzirwa mugwagwa unobva kuBeitbridge uchienda kuHarare zvichinzi pari kuitwa zvehuori, sekutaura kwaAmai Sarudzai Makirichi vekuMasvingo.

“Nyaya yekupinda basa yakanetsawo kuno kuMasvingo sezvo vemapato ezvematongerwo enyika vaipinza hama dzavo ne vechidiki vebato razo”Amai Makirichi vanotsanangura.

Gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Marian Chombo.
Gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Marian Chombo.

Vaimbove nhengo yeCitizens’, Coalition for Change VaBlessing Mandava, vanoti kutorwa kwevanhu vebasa kuchishandiswa hofisi yegurukota rezvematunhu kupinza zvematongerwo enyika munyaya dzemabasa izvo vanoti zvakaipa.

Hatina kunzwa kuti hurumende ine hurongwa here kana kuti policy panyaya dzekupinzwa mabasa nemakambani anenge apihwa basa rekugadzira migwagwa sezvo gurukota rebazi rekutakurwa kwezvinhu, VaFelix Mhona, vanga vasati vatipindura mibvunzo yavanga vati tivatumire padandemutande ravo reWhatsApp.

Makambani mashanu anoti Bitumen World, Fossil, Exodus, Masimba neTensor akapihwa basa nehurumende rekugadzira mugwagwa weHarare – Chirundu, uye anotarisirwa kuwanisa mabasa vanhu vanosvika chiuru chimwechete nemazana mashanu.

Makambani mashanu aya ndiwozve akambopihwa basa rekugadzira mugwagwa mukuru unobva kuBeitbridge kusvika muHarare, asi vamwe vanoti haana kuita basa nemazvo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG