Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzirwa Kuita Zvakaitwa naVaHichilema Kukumbira Vekunze Kuti Vabatsire neChikafu neChimbichimbi


Imwe nyanzvi munyaya dzezvechikafu, Reverend Forbes Matonga vari kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vati nzara yapfunya chisero munyika kuti idambudziko rave kuda rubatsiro rakakura kubva kumasangano ekune anopa rubatsiro akaita seWorld Food Programme nedzimwe nyika kuti vapindire kana kuti state of Emergency.

Mutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema vakatoita izvi svondo nemusi weChina kuti nyika yavo iwane rubatsiro rwekunze nekuda kwenzara yakatarisana nenyika dzemuSADC.

VaMnangagwa vakazivisa nyika nemusi weChina kumusangano wavakaita nemadzishe kuti hapana achafa nenzara munyika sezvo vari kutora matanho ekuona kuti munhu wose awana chikafu. Asi vakawanda mumatunhu akawanda vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye chikafu chave kudhura zvakanyanya.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba kana gurukota rezvemagariro evanhu VaJuly Moyo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi tabata Reverend Matonga vaimbotungamira sangano rinobatsira nechikafu reChristian Care.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG