Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanonzi Vangwarire Chirwere cheMalaria Chinorwarisa Vanhu Mamiriyoni Mashanu paGore


Bazi rezvehutano rinoti mumwedzi yekutanga yegore rino huwandu hwevanhu vafa kana kubatwa nechirwere chemalaria hwati dzikirei nekuda kwukusanyatsonaya kwemvura. Asi bazi iri rinoti vanhu vanofanira havo kugara vakangwarira kubatwa nechirwere ichi uye riri kukurudzira vanofungidzirwa kuti vabatwa nacho kuti vakurumidze kuenda kuzvipatara.

Gwaro rakabva kubazi rezvehutano rinoratidza kuti mumwedzi miviri yadarika vanhu gumi nevatatu vakafa nekuda kwechirwere ichi zvichienzaniswa nevanhu makumi mashanu vakafa gore rapera panguva imwe chete.

Amai Fortunate Manjoro vanoshanda nebazi rezvehutano vachiona nezvekudzivirira nekurwisa chirwere cheMalaria vati kunyangwe mukutanga kwegore rino chirwere ichi chakadzikira zvichienzaniswa nenguva imwe chete gore rapera vanhu vanosvika zviuru zvitanhatu nemazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevanomwe vabatwa nechirwere ichi kubva muna Ndira kusvika muna Kukadzi wegore rino.

Bazi rezvehutano rinoti pagore vanhu mamiriyoni mashanu vari mudambudziko rekubatwa nechirwere chemalaria.

Nzvimbo dzine malaria zvakanyanya munyika dzinosanganisira dunhu reManicaland rese, Mudzi, Mutoko , Uzumba Maramba Pfungwe , Zaka, Chiredzi, Mwenezi, Bikita, Makonde neHurungwe. Dzimwe nzvimbo zvakare dzine dambudziko rechirwere ichi iHwange neBinga uye dunhu reMashonaland Central kusara kweBindura neMazowe.

Amai Manjoro vanotiwo hurumende iri kushanda nemamwe masangano muzvirongwa zvekudzivirira kuti vanhu vasarumwe nehumhutu hunoknzera malaria.

Vatiwo veruzhinji vakaona zviratidzo zvemalaria zvakaita sekutemwa nemusoro, kunzwa kuda kurutsa nezvimwewo vakurumidze kuenda kuchipatara.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Amai Mucha Mukamuri vatiwo hurumende inofanirwa kuwanisa zvekuongorora nekurapwa kwemalaria kuzvipatara zvese.

Amai Mukamuri vakurudzirawo veruzhinji kuti varare mumaneti ekudzivirira humhutu anenge akapfapfaidzwa mushonga nekupfeka zvakareba kudzivirira ganda kuti risarumwe.

Amai Ruvarashe Matiza mumwe mugari wemuMasvingo vanoti vakapona nepaburi retsono mushure mekubatwa nechirwere chemalaria mushure mekunge vashanya kuChiredzi.

Malaria inonzi inonyanyo pararira kubva muna Mbudzi kusvika muna Chivabvu nekuda kwekuwanda kwenzvimbo dzinenge dzakajenga mvura. Hurumende inoti kunzvimbo dzakawanda Malaria idzi inokurudzira madzimai akazvitakura kuti vanyorese pamuviri mwedzi mitatu isati yadarika kuti vapihwe mapirtsi ekudzivirira chirwere ichi

Sangano reWorld Health Organisation rinova rimwe remasangano anobatsira Zimbabwe kurwisa malaria rinoti rimwe dambudziko rave kumuka nderemishonga yekuuraya humhutu isisashande.

Sangano iri rinokurudzira nyika dzepasi rino kuti dziumbe homwe yekuti kuita tsvakiridzo yechirwere kuve nyore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG