Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Varimi Vokurudzirwa Kuderedza Huwandu hweZvipfuwo Nekuda kweKushomeka kweMafuro


Varimi vanoti vave kushaya mafuro anokwanira mombe dzavo.
Varimi vanoti vave kushaya mafuro anokwanira mombe dzavo.

Nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno, bazi rezvekurima rinonzi rave kukurudzira varimi kuti vaderedze huwandu hwezvipfuwo zvawo kuitira kuti vasazoita dambudziko remafuro.

Asi kurudziro iyi iri kuuya apo vamwe vagari munyika vave kutotengesa mombe dzavo nechakare vachityira dambudziko rekushaya mafuro nemvura yekunwa zvinovakwanira.

Vakawanda vevagari ava vanoti nekuda kwemvura shoma yakanaya, uswa hwemafuro emombe dzavo hushoma zvakanyanya uye chibage hachina mashanga akakwana ekuchengeta kuti azopihwa mombe sezvo chakafa chisati chasvika. Izvi ndizvo zvaita kuti dzimwe mhuri dzitore danho rekutengesa mombe dzisati dzanyanya kuonda nekushaya chikafu.

Mumwe mugari wekuChegutu mudunhu reMashonaland West, VaAleck Mabwe, avo vakatengesa mombe mbiri, vanoti zviri nani kuwana mari yakati wandeyi iye zvino pane kuzomanikidzwa kutengesa mombe dzave madore wowana mari shoma.

“Tiri kutotengesa iyezvino dzichiri kubhadhara zvakanaka, tiri kutengesa nema 300 dollars (madhora ekuAmerica mazana matatu).” VaMabwe vanotsanangura

Mombe dzakawanda hadzichina hutano hwakanaka nekuda kwekushaya mafuro nemvura.
Mombe dzakawanda hadzichina hutano hwakanaka nekuda kwekushaya mafuro nemvura.

Mumwe akatengesawo mombe dzake mbiri nemadhora ekuAmerica mazana matatu, kana kuti US$300 pamombe imwechete, ndiVaErasmus Mapfeka, vekuChivu mudunhu reMashonaland East, avo vanoti mombe dzichadzikira mutengo nekuda kwekushaya zvekudya.

“Mombe dzichadzika mutengo kwatiri kuenda nekuda kwekushaya zvekudya nemvura yekunwa” VaMapfeka vanotsanangura.

Vakawanda vari kutenga mombe ndevemabhucha vakaita saVaMike Jimu vemuChinhoyi, avo vanoti panonaya mvura shoma bhizinesi ravo rekutengesa nyama rino bhadhara zvakanaka sezvo vachitengesa nyama nemutengo uri pamusoro asi ivo vachitenga mombe nemari iri pasi.

“Bhizinesi redu ndipo parinofamba mombe dzakachipa asi nyama ichidhura” VaJimu vanozivisa.

Asi mumwe murimi, VaTawanda Hozheri, avo vanochengeta mombe kuMhangura, mudunhu reMashonaland West, vanoti vanotenga chikafu chemombe kunyange zvichivadhurira.

VaHozheri, avo vane mombe dzinosvika zana, vanoti vanototengesa mombe kuti vatenge chikafu chemombe kwete kuti kutyira kuti dzinofa nenzara.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Intergrated Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanokurudzira varimi kuti vatengese mombe nguva iripo dzichiri kukosha nekuti vakanokoka dzikawondoroka hapana chavanozowana.

“Zvipfuwo nemhuka dzesango zvichanetseka kuwana zvekudya nemvura, ndinokurudzira varimi nezvipfuwo kuti vatendese mombe dzichiri kuratidzika zvakanaka”Amai Jiti vanotsanangura .

Mutauriri weboka re Environmental Management Agency-EMA-munyika yose, Muzvare Edith Chapungu, vanoti vari kudzidzisa vagari nevarimi kuti vasapise masango asi kuti vacheke uswa hwacho vochengetera mombe dzavo.

“Shoko redu rimwechete rekungoti nguva yatiri tinokurudzira kuti vanhu vacheke uswa kugadzira chikafu chekupa mombe” Muzvare Chapungu vanotsanangura.

Kusanaya kwemvura kwanakana kwakonzera dambudziko rechikafu nemvura kuzvipfuwo.
Kusanaya kwemvura kwanakana kwakonzera dambudziko rechikafu nemvura kuzvipfuwo.

Kunyange chikoro chepamusoro cheChinhoyi University of Technology, CUT, chiri kugadzira chikafu chekuti mombe dzinonanzva dzozonwa mvura, vakawanda vanoti havana mari yacho sezvo chichitengeswa nemadhora ekuAmerica gumi nemana, kana kuti US$14.00 pamakirogiramu makumi maviri nemashanu, chichidyiwa nemombe gumi pamwedzi.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima VaDavis Marapira, vakaudza varimi vemombe kuMaphisa, mudunhu reMatebeleland South svondo rapera kuti vape mombe zvekudya zviri kugadzirwa neuswa zvochengeterwa nguva yekushaikwa kwemafuro, kana kuti Silage, kuti dzisafe uye kuti dziite hutano hwakanaka.

Pari zvino munyika mune mombe mamiriyoni mashanu nechidimu asi hurumende ine hurongwa hwekuwedzera mombe munyika kusvika pamamiriyoni matanhatu gore ra2025 risati rasvika.

Asi chirongwa chekuwedzera mombe ichi, kana kuti restocking exercise, chave kutyirwa kuti chinogona kukanganisika nekuda kwedambudziko rekushaya mafuro iri pamwe chete nezvirwere zvemombe, izvo zviri kuuraya mombe dzakawanda munyika.

Vamwe vari kugadzirira remangwana vari kutengawo madhongi sezvo achinzi anorarama kunyange munguva yekushaya mafuro akakwana. Asi dambudziko rekushaya mvura yekunwa harisarudze kuti imombe here kana idhongi, sezvo zvipfuwo zvose izvi zvichisvika pakufa.

Vagari vekuMangwe mudunhu re Matabeleland South nemamwe matunhu vakatokurudzira hurumende kuti itore matanho ekuvawanisawo chikafu chekupa mombe dzavo pamwe nekuti ichere zvibhorani kuitira kuti mombe dzavo dziwane mvura.

Nyika iri kutambura nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura zvichikonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze, anonzi El Nino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG