Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Chirongwa chePiri cheKudzivirira Mhetamakumbo Chinopetwa Chichinzi neUNICEF Chakabudirira


Mwana achidonhedzerwa nhomba yekudzivirira mhetamakumbo, kana kuti polio.
Mwana achidonhedzerwa nhomba yekudzivirira mhetamakumbo, kana kuti polio.

Chirongwa chebazi rezvehutano chepiri chekudonhedzera vana nhomba yekudzivirira chirwere chemhetamakumbo, kana kuti polio, chakapera neChishanu chichinzi chakabudirira chose.

Sangano re UNICEF, iro raishanda nehurumende muchirongwa ichi, razivisa kuburikidza nedandemutande re X, iro raimbonzi Twitter, kuti vana vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana matanhatu, 4.6 million, vakawaniswa nhomba iyi.

Chirongwa ichi, icho chakaparurwa nemusi weChipiri chakaitwa kwemazuva mana, chainge chakanangana nevana vane makore ari pasi pegumi.

Hurumende neUNICEF vaitsigirwawo nehurumende yeJapan pamwe nemizinda yeEU mu Zimbabwe, Britain neIreland uri kuPretoria, uye masangano anosanganisira Centres for Disease Control kana kuti CDC yekuAmerica, UN Central Emergency Response Fund kana kuti UNCERF neGates Foundation.

Hatina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano sezvo takundikana kubata mutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Asi nyanzvi mune zvehutano vachitungamira sangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti chironga ichi vanoona sechakabudirira, vachiti chakanga chakashambadzwa zvizere, zvikuru muchikamu chekutanga.

Asi vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho ekuwanisa zvikwanisiro kune vashandi vezvehutano vari munzvimbo dzinonetsa kusvika kumaruwa kutiira vabatsire mukuwaniswa kweruzivo pasawana vanosarira shure.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG