Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Huku Dzinodarika Miriyoni neZviuru Mazana Matanhatu (1,6M) Dzopiswa Kudzivirira Kupararira kweChirwere cheBird Flu muAmerica


Bazi reCenters For Desease Control and Prevention rinoti munhu mumwe chete abatwa nechirwere cheBird Flu.
Bazi reCenters For Desease Control and Prevention rinoti munhu mumwe chete abatwa nechirwere cheBird Flu.

Kambani huru inochengeta huku dzemazai yeRidgeland iri kuMississippi inoti yambomira kutengesa mazai kuTexas nekuMichigan nekuda kwechirwere chebird flu.

Mumashoko kuvatori venhau, kambani iyi yati yakapisa huku miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu kana kuti 1,6 million uye nhiyo zviuru mazana matatu nemakumi matatu nemanomwe kana kuti 337, 000 kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi chinonziwo chabata munhu mumwe chete.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Doctor Simbiso Ranga, vaudza Studio 7 kuti kazhinji munhu akabatwa nechirwere ichi anoita sekunge abatwa nechirwere chechikosoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG