Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi Vari Kutengesa Fodya Yavo kuMisika yekuKaroi Vochemachema neMatambudziko Avari Kusangana Nawo


Varimi vachitengesa fodya yavo kumisika yefodya kuKaroi.
Varimi vachitengesa fodya yavo kumisika yefodya kuKaroi.


Varimi vefodya vakawanda vanoti vari kusangana nezvimhingamipinyi zvakawanda zvinosanganisira kunonoka kubhadharwa mari dzavo kana vatengesa chirimwa chavo, kudhura kwekutakurisa mabhero kuenda kumisika pamwe nekubhadharwa mari shoma pakirogiramu rimwechete refodya inenge yatengeswa pamisika yefodya kuKaroi mudunhu reMashonaland West.

Varimi ava vanoti matambudziko aya atove nemakore vachisangana nawo uye uye ari kutonyanya.

Mumwe murimi wefodya akaendesa fodya yake kuKaroi, ndaVaHarrison Jokonya, avo vanorima vari papurazi reTrokiadza riri pedyo neKaroi.

VaJokonya vanoti mari zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, kana kuti 25 percent, dzavari kubhadharwa dziri mumari yemunyika kana kuti ma RTGS hazvina zvazviri kuvabatsira nazvo sezvo mari yemunyika iri kuramba ichidzikira huremu hwayo kana ichienzaniswa nedhora rekuAmerica, uye nekukwira kwemitengo kana kuti inflation.

VaJokonya vanoti chichemo chevarimi chekuti zvikwanisiro zvekurimisa zvakaita sefotireza zvideredzwe mitengo kuitira kuti vawane mari yakawanda kana vakazotengesa hazvina ari kuteerera.

“Tinokurudzira hurumende kuti idzikise mitemgo ye fotireza kuti ndikatengesa mombe imwechete ndinogona kutenga zvose zvinodiwa asi parizvino hazvigoneke,” VaJokonya vanotsanangura.

Mumwe murimi wekuDeve mudunhu reHurungwe, Amai Matilda Ngwerume, vanoti kukohwa nekutakurisa fodya kuri kuvadhurira zvakanyanya gore rino sezvo kusina chibage chakawanda chekubhadharisa vashandi vanenge vakohwa fodya.

Vedzimotokari vanonzi vari kuchaja US$30.00 kutakura bhero refodya.
Vedzimotokari vanonzi vari kuchaja US$30.00 kutakura bhero refodya.

Vanoti vanotakura fodya vari kuchaja kusvika kumadhora ekuAmerica makumi matatu kana kuti US$30.00 pabhero rimwechete zvisineyi kuti riri kurema zvakadii.

“Segore rino kumamisha chibage hakuna saka tinofanirwa kutenga hupfu kuti tibikire vashandi vari kutemha fodya,” Amai Ngwerume vanotsanangura.

Mumwe murimi wekwaRusape mudunhu reManicaland, VaGeorge Pasipamire, vanoti vari kunonoka kipihwa mari dzavo dzefodya zvekuti vari kupedza mazuva mana vakadzimirira.

“Mari yedu iri kunonoka kubuda zvekuti tiri kupedza mazuva mana takamirira izvo zvinotipa kurara panze takamirira,” Va Pasipamire vanozivisa.

Mukuru wesangano rinomirira varimi vefodya reZimbabwe Tobacco Association-ZTA, VaNicholas Seremwa, vanobvuma kuti pane dambudziko pamusoro pemitengo vachiti vakatomboita misangano nevatengi vefodya nekuda kwemitengo yavo iri kuramba iri pasi.

“Ichokwadi kuti panedambudziko sezvo nhengo dzedu dziri kuchemachema nemitengo yakanyanya kuderera,” VaSeremwa vanotsanangura.

TVarimi vanokurudzirwa kuramba huwori.
TVarimi vanokurudzirwa kuramba huwori.

Panyaya yekunonoka kubhadharwa kwevarimi, VaSeremwa vanoti, varimi vanofanirwa kubhadharwa mukati memazuva maviri kana kuti 48 hours sezvakabvumiranwa.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Farmers Union-ZFU-VaPaul Zakariya, vanoti nhengo dzavo dziri kupihwa mari shoma sezvo vanotenga vachiita chirwirangwe chekutenga fodya nemari shoma kuti vaite purofiti yakawanda.

VaZakariya vanoti vakaita musangano svondo rino nenhengo dzesangano rinoona nekufambiswa nekutengeswa kwefodya, reTobacco Industry and Marketing Board, TIMB, nedonzvo rekuwedzera mutengo wefodya.

“Takaita musangano neveTIMB kutanga kwesvondo rino nekuda kwemitengo iyo yakadzika asi pakutanga zvaiita sekuti vatengi vari kutenga fodya nemari yakawanda,” VaZakariya vanotsanangura.

Mutauriri weTIMB,Muzvare Chelessani Moyo, vanoti varimi vanofanirwa kutaurira masangano anovamiririra kuti vaende nechichemo chavo chekuti vapihwe mari yavo yose ari madhora ekuAmerica kubhangi renyika reRBZ.

“Sevarimi vanofanirwa kuendesa zvichemo zvavo kumasangano anovamirirrira ayo anozoenda nezvichemo zvekubhadharwa kuRBZ. Isu hatina zvatinogona kuyamura panyaya ye kubhadharwa,” Mazvare Chelesani Moyo vanozivisa.

Nyaya yekutengwa kwefodya nemari isingafadze varimi changova chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, asi zvinonzi dambudziko iri harisi kugadziriswa.

Fodya ndicho chirimwa chinopa nyika mari yakawanda kudarika zvimwe zvirimwa zvose pari zvino.

Gore rakapera yakawanisa nyika mari inosvika bhiriyoni rimwechete nezviuru mazana matatu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$1.3 Billion.

Mwaka wekutengeswa kwefodya wakaparurwa mwedzi wapera bhero rekutanga richitengwa nemadhora mana ane masendi makumi mapfumbamwe nemaviri, kana kuti US$4,92 pakirogiramu.

Huwandu hwefodya ichatengeswa mwaka uno hunotarisirwa kuderera nezvikamu gumi kubva muzana kana zvichienzaniswa neyakawanikwa mwaka wapera nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze kwakakonzera ne El-Nino.
Mwakawapera Zimbabwe 296 million kilograms asi gore rino inotarisirwa kuwana goko rinosvika 265 million kilograms chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG