Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

"Yolanda Mwana Aigona Chikoro uye zveMitambo": Baba Hodzi Votaura nezveMwana Wavo Akadhirikirwa neMudhuri Akafa muHarare


Yolanda Hodzi
Yolanda Hodzi

Baba Silas Hodzi, vanogara kuNorton vanoti vakarasikirwa zvikuru semhuri pakashaya mwana wavo, Yolanda nemusi weMugovera muHarare. Yolanda aive nemakore gumi memapfumbamwe ekuberekwa ndiye chete akashaya pakawondomoka mudhuri panosangana migwagwa inoti Chinhoyi Street na Bank Street muHarare.

VaHodzi vaudza Studio 7 kuti mwanasikana wavo uyu aigona chikoro zvikuru uye ange achiita zvidzidzo zveA Level. Vanoti aivewo shasha mumitambo yakaita sebhora, kumhanya, netball, rugby neimwe. Baba vemufi vanoti nezuro vanachiremba vekuParirenyatwa vakaongorora kuti chii chainge chauraya mwana wavo vakavapa mutumbi wake.

Vanoti nhasi ari kuendeswa kumba kuNorton, ozoendeswa kukereke yake yeSalvation Army asati aenda kunoradzikwa kumusha kwavo kwaKarereshi kuHurungwe, Mashonaland West. Vechidiki vekereke yeSalvation Army vachinyorawo padandemutande reFacebook vati vari kushushikana zvikuru nerufu rwaYolanda.

Zvichakadaro, VaPercy Baureni avo vakapona tsaona iyi vanoti mudzimai wavo, Amai Wadzanai Baureni vakakuvara pakadonha mudhuri uyu. Vati vari kuyedza kumurapisa asi vakati hapana rubatsiro rwunobatika rwavapihwa nevaridzi vemudhuri uyu.

Kanzuru yeHarare yainge yambozivisa svondo rapera kuti ichapwanya midhuri yose isina kumira zvakanaka muguta reHarare. Hatina kukwanisa kubata meya weHarare VaJacob Mafume sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vachiri kuongorora nyaya iyi.

Forum

XS
SM
MD
LG