Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

RBZ Yonyima Makambani Mamiriyoni eMadhora eMari Dzavo Ichiti Kuvapa Kunoshayisa ZIG Simba


The Reserve Bank of Zimbabwe
The Reserve Bank of Zimbabwe

Mutungamiri wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce kana kuti ZNCC Mike Kamungeremu vanoti nhasi vaita musangano nagavhuna weRBZ VaJohn Mushayavanhu nezvemari yemamwe makambani iri kubhanga guru renyika iyi inosvika mamiriyoni akawanda yavari kunzi vachapihwa pakati pegore nemakore maviri.

Mari iyi ndeye makambani ainge apa bhanga iri mari kuti vapihwe mari yekunze pamusika wemari kana kuti RBZ foreign currency auction uye imwe inobatirwa makambani anotengesa kunze kwenyika inosvika zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 25% yavanofanira kupihwa mumadhora enyika RBZ yotora mari yekuAmerica.

VaMushaya vanhu avo tisina kukwanisa kubata vaudza vemabhizimisi kuti vari kutyira kuti vakapa makambani aya mari idzi, dhora idzva reZIG rinogona kushaya simba. VaKamungeremu vanoti vachiri kutaurira nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG