Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votyira Kuti muNyika Munogona Kushaya Bato Rinopikisa Hurumende Rakasimba


Vimbove mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, avo vakambosiya zvematongerwo enyika.
Vimbove mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, avo vakambosiya zvematongerwo enyika.

Mashoko emutungamiri wenyika vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti vanopembera nekusekerera kana vemapato anopikisa hurumende vachitosvorana pachavo anonzi nevamwe vanopikisa anotsinhira zvavagara vachitaura zvekuti Zanu PF ine ruoko mukurwisana kwagara kuchionea nekuparadza mapato anopikisa munyika.

Mapato aionekwa nevanoda shanduko seakasimba akaita seCitizens’ Coalition for Change (CCC), Movement for Democratic Change (MDC) akaparara nekuda kwekurwisana kwenhengo, izvo zvinopa Zanu PF mukana wekuita sekunge zvinonzi munyika mune bato rimwechete.

Vachitaura mukutanga kwesvondo rino nebepanhau re “The Third Eye, VaMnangagwa vakati kwavari vanototi mudzimu waro bonga kwana huku dzichirwa sezvo bata murefu mabata mupfupi yemumapato anopikisa iyi ichireva kuti bato ravo reZanu PF richave nemakore akawanda riri pachigaro.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaTawanda Dzvokora, avo vaimbove nhengo yebato reCCC mudunhu reNorth America, vanoti zvagara zvinozivikana nevanhu vose munyika kuti Zanu PF inoshandisa mari yakawanda kwazvo mukuparadza mapato anopikisa.

VaDzvokora vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanozivikanwa kuti mutungamiri asingade zvehutongo hwegutsaruzhinji sevamwe vatungamiri venyika dzakaita seSouth Africa, uko vemapato anopikisa vanoshanda vasingambunyikidzwi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza vanoti kusarongeka kwemapato anopikisa ndiko kunopinza mhepo yakaipa mumapato aya, vachiti vanopikisa vese vanenge vachida zvigaro, kwete kumirira vanhu.

Doctor Mavaza vanoti hakuna munhu kwaye angabatsira muvengi wake kana akawana achirwa.

Vamwe vanoongorora zvematongero enyika vanoti kubva zvasiya chigaro vaive mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, chikepe chevanopikisa munyika chinenge chakabva changoratidza kuti hachina mutyairi angakwanisa kuyambutsa vana veZimbabwe kubuda muhutongi hweZanu PF.

Mumwe wevaive vatevedzeri wemutungamiri weCCC, Tendai Biti, vakazivisawo muhurukuro yavakaita neHStv kuti vave kumbosiya vematongerwo enyika.

Asi vamwewo ndivo vanoti kufa kwemujoni hakuvharise kamba, vachiti mapato anopikisa achine mukana mukuru kwazvo wekubvunura achisimba pamberi pesarudzo dza2028.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG