Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanoramba Kuti Hurumende Inotyora Kodzero dzeVanhu


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, svondo rino vakashoropodza mashoko avanoti akataurwa nehurumende yeAmerica ekuti hurumende yavo inotyora kodzero dzevanhu.

Vachitaura nebepanhau reBrick by Brick, VaMnangagwa vakati “Kana vekuAmerica vachida kuziva kunoteverwa hutongo hwejekerere, vanofanirwa kuuya kuHarare, vanofanirwa kuuyaa kuZimbabwe.”

Vakati munyika hamuna kutyorwa kwekodzero dzevanhu kungataurwa nezvako vachiti hurumende yavo inobvumidza kuvepo kweemapato anopikisa munyika uye achikwikwidza musarudzo.

Asi vanopikisa pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vanogaropomera hurumende kushandisa chisimba uye kumbunyikidza kodzero dzevanoipikisa kana kuishoropodza.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Muzvinafundo Munyaradzi Ricky Mukonza, vanoti matauriro aVaMnangagwa aya anenge edambe nekuda kwekuti Zimbabwe inozivikanwa seimwe yenyika dzisina hutongo hwejekerere huri kufamba zvakanaka.

“Hongu vangataure zvimwe zvavanotaura zvekuti mapato anopikisa ariko, asi tikachidzikadzika nenyaya yacho totarisa kuti mapato acho nhengo dzawo vari kubatwa sei ndopatinochinyatsoona kuti hutongi hwejerere hahuna kunyatsomira zvakanaka zvahunofanira kunge hwakaita,” vanodaro Muzvinafundo Mukonza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG