Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reInternational Anti Corruption Day


Zimbabwe Anti-Corruption Commission
Zimbabwe Anti-Corruption Commission

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi mukucherechedza zuva rekurwisa huori kana kuti International Anti-Corruption Day, komisheni inoona nezvehuori munyika yeZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) ichichema chema nekusavapo kwemitemo yakakwana yekurwisa huori.

Vachitaura pamhemberero dzekucherechedzwa kwezuva iri dzaitwa pamahofisi eZACC nhasi muHarare, sachigaro wekomisheni iyi, Amai Loice Matanda Moyo, vati kushaikwa kwemitemo inochengetedza vanenge vamhangarira vamwe huori kuri kudzosera shure nyaya yekurwisa huori munyika.

Amai Matanda Moyo vati pagore rino vakawana nyaya dzinodarika chiuru chimwe chete dzine chekuita nehuori uye komisheni yavo yakakwanisa kuongorora nyaya zana nemakumi masere neina ikaendesa nyaya idzi kumatare. Vatiwo vanhu gumi nevaviri vakawanikwa nematare vaine mhosva dzehuori.

Amai Matanda Moyo vatiwo sekomisheni inorwisa huori vanokoshesa zvakanyanya kutora hupfumi hunenge hwaunganidzwa kuchishandiswa huori kubva kune avo vanenge vabatwa nemhosva idzi.

Vachipindura nezvemashoko ekuti komisheni yavo haisi kugona kurwisa huori munyika uye ine huori pachayo, Amai Matanda Moyo vati veruzhinji vanofanirwa kuridza pembe kana pane huori huri kuitwa kusanganisira nhengo dzekomisheni yavo.

Amai Moyo vatiwo pamapazi ehurumende komisheni iyi inoona sekuti huori hwakawandira kubazi reVehicle Inspection Department iro rinowanisa vatyairi zvitambi, mapurisa pamwe nebazi re Zimbabwe National Road Administration kana kuti Zinara vakati sekomisheni vari kurwisa huori mumapazi aya.

Murongi wemabasa muTransparency International Zimbabwe, VaNqobani Tshabangu, avo vange vari mumwe wevanoremekedzwa pamhemberero idzi, vati kuti ZACC inyatsoshanda sezvainosungirwa nebumbiro remitemo yenyika, inofanirwa kupiwa mari yekushandisa yakakwana pamwe nekuti ikwanise kushanda nemamwe mapazi ehurumende akadai sematare nemapurisa zvakanaka.

VaTshabangu vatsigirawo kuti mitemo inofanirwa kusimbaradzwa.

VaTshabangu vaudza Studio7 kuti kushomeka kwenyaya dzehuori dzakatongwa dzikapera pamwe nedzakaongororwa nekomisheni iyi panguva iyo huori hwakawandisa munyika, mucherechedzo mukuru wekuti pane pasiri kufamba zvinhu zvakanaka.

Mumwe mugari wekuMasvingo, Amai Sungano Zvarebwanashe, vati havasi kuona sekuti ZACC ine zvinobatika zvayaita mukurwisa huori munyika vachiti huori munyika hwatekeshera zvakanyanyisa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe yarasikirwa nemari inodarika mabhiriyoni gumi nemaviri emadhora ekuAmerica mumakore makumi matatu apfuura kuburikidza nekuburitswa kwemari munyika zvisiri pamutemo, kana kuti pachishandiswa huori, pamwe nekunzvenga kubhadhara mitero.

Tsvagiridzo yakaitwa neThe Sentry gore rino yakaburitsa kuti chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaKuda Tagwirei, vakaumba makambani anovanza hupfumi hwavo kunze kwenyika munzvimbo dzakaita seCayman Islands neMauritius.

Zvinofungidzirwa kuti VaTagwirei vane hupfumi hunodarika bhiriyoni rimwe chete nechidimbu chemadhora ekuAmerica, kana kuti 1.5 billion US Dollars, asi hupfumi huzhinji uhu hunonzi hwakavigwa kunze kwenyika.

VaTagwirei mbune havapindure mibvunzo yevatori venhau panyaya iyi. Kunze kwaVaTagwirei, Zimbabwe inonziwo ine makambani nevakuru vakuru muhurumende vanoita zvehuori pakutengeswa kwezvicherwa, zvikuru mangoda ekwaMarange.

Zuva rekurwisa huori iri rinocherechedzwa pasi rese musi wa 9 Zvita gorerega rega, uye gore rino racherechedzwa pasi pedingindira rekuti: Your Right, Your Role: Say No to Corruption.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG